Uncategorized

Uri dzenga, chituta, dununu, fuza!

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
TSVINA yemunhu haiite! Inongoda kuraswa nekuti nyangwe ukaiisa mundiro kana mupoto, haife yakapinduka kuita sadza kana chimodho. Haisi chikafu – inorutsisa.

Tsvina yemunhu yakaora, ndokusaka ichikoka nhunzi.

Kana kamwana chaiko kanotoziva kuti haiite kugara nayo mubhurugwa. Kamwana kakangwara kakaona kuti kaita tsvina mubhurugwa, kanobvisa bhurugwa racho kosara zvako kasina chinonhuhwa!

Zvino kana ukadya tsvina nekuti wanzi nemuporofita nen’anga ndiko kuti zvifaye, newewo wave nhunzi, chinyamututa, honye chaiyo.

Chinosiyanisa munhu nemhuka, kufunga nekutaura. Asika, dzimwe mhuka dzinofunga kudarika murume wekubvuma kudya tsvina yemukadzi wake nekuti imhiko yaakapihwa nen’anga nemuporofita.

Mazuva ano vechidiki vanotaura zvekuitisa kana kuitiswa. Vanenge vachireva kushandiswa nemumwe munhu anenge achikuona kana kufunga kuti uri dzenga, chituta, dununu, fuza chairo. Asi mukuitiswa mune mukana wekuti ari kuda kuitiswa arambe kuitiswa.

Zvinhu zvatinomboitiswa nen’anga nemaporofita zvinoratidza kupwa kwetsime renjere. Uku hakusi kuti murume uyu akanga apererwa kana kuti aita dambudziko rine nyanga nemuswe, kwete! Uyu murume akanga achifambira kuti agodiwa zvakanyanya nemukadzi wake.

Kana ukadya tsvina yemunhu kuti akude, ko akazokuramba unoita sei?

Uku ndiko kunonzi kudzedzereka usina kudhakwa! Ndiro dambudziko ratave naro muZimbabwe, kutsvaga n’anga nemaporofita kuti vatiitise!

Izvozvi zvekudyiswa tsvina yemunhu zvinoitwa nevanhu vaye vanenge vachiti, “Ndakanga ndaedza zvose asi zvikaramba.”

Zvinhu zvingafambe here iwe uchibvuma kuitiswa zvekuti unotokumbira kuti tsvina iitirwe mubhaketi? Wakafa zvose, pfungwa, mwoyo nemweya.

Vazhinji vedu tine dambudziko rinonhuhwa kuti pfuu setsvina! Kana tasvika panyaya dzemaporofita nen’anga, vazhinji vedu tine matambudziko akanzi naJesu, “Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”

Mwari vakatipa simba panyika pano rekuti titonge zvinhu zvose. Asi zvinhu zvatinoudzwa nemaporofita nen’anga itsika dzevanhu.

Saka kana maporofita nen’anga vachiitisa vanhu hunhu hwakadai, tinoti kudii? Unonzwa muporofita achiti, “Muchinda, denga randiti unofanirwa kudya dho***” Haa dhemeti, tibvire apo dhimoni retsvina! Unosvibisa zita raMwari kudaro sei?

Idzo n’anga nemaporofita vanopomera Satani mhosva, asi ivo vari vazukuru vaSatani wacho. Ndivo zvakare vanonyepa kuti Mwari anokonzera nhamo nematambudziko muvanhu, kana kunyepa kuti Satani anoita zvakaipa kana achinge apihwa mvumo naMwari. Pfungwa idzodzi ndiyo imwe tsvina inofanira kunosiiwa kuchimbuzi.

Zvingaite sekuti ichokwadi kuti Mwari vane simba pamusoro pezvinhu zvose.

Ko handiti ndivo Mwari here? Vane simba rose uye vanogona kuita zvose zvavanoda? Asi Mwari nyangwe vane simba, simba ravo rine parinoperera. Havasi Mwari vanotiita kuti tidye tsvina yemunhu.

Mwari vanoti kuna Dhuteronomi, “Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama.”

Mwari vanoti tiite sarudzo yekubvuma kana kuramba kuitiswa.

“Zviisei pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.” Hazvisi zvose zvatinofanira kubvuma kana kufunga kuti zvinokonzerwa naMwari. Mwari havana simba rekukurambidza kusarudza kudya tsvina yemunhu, asi ziva kuti tsvina iyi kudya kwenhunzi nehonye, uye kudya tsvina idhimoni radhiabhori nevanhu vanodhunya.

Pamwe akatadza kunzwa, akanga anzi idya dhongi rechikadzi. Kikiki ndaseka zvangu kuseka kwepaWhatsApp!

Share This:

Sponsored Links