Uncategorized

‘Uri kudanana Nemaroja edu’ . . . Gogo voudzwa nasekuru

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

  • ‘Tukomana tuduku chaitwo’

Memory Lemani
CHEMBERE neharahwa vakanetsana zvekusvitsana kumatare apo mudzimai aiti murume wake ari kumupomera mhosva yekudanana netukomana twechidiki twunoroja pamba pavo.

Laina Santana akamhan’arira murume wake, Wilfred Santana, uyo waakati agara naye kwemakore anodarika 45, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumupomera mhosva yekudanana nemaroja avo vanova vakomana vechidiki.

“Handizivi kuti zvingaitewo here kuti nezera rangu rino ndodanana nevana vezera revazukuru vangu? Changamire, murume uyu ndiri kumushaira pake. Ari kundipomera mhosva yekurara nemaroja edu achiti ndinovavharira muchimbuzi.

“Nemakore andava nawo ndichigara nemurume wangu nekuchembedzana kwataita kwose uku ndozoita izvozvo zvingabuda here?

“Kuchengera kwake nezera racho hazvichaenderana. Akatopa maroja aya notice nekuti ari kufungidzira kuti ini navo tiri kudanana,” akaudza mutongi wedare iri, Trevor Nyatsanza.

Akati murume wake ari kumupomera zvakare kuti panguva yaanenge achigeza haachavharisi gonhi rechimbuzi kuitira kuti vakomana vanoroja pamba pavo ava vakwanise kudongorera.

“Kana vazukuru vedu havachina rukudzo neni nekuti vanoti zvinotaurwa nasekuru vavo ichokwadi. Handichina kana chimiro pamberi pevana.

“KuWarren Park Police Station vave kutotiziva nekuti tinogara tiriko tichiendera nyaya dzenhando.

‘‘Shuwa munhu wandagara naye makore akawandisa kudaro ozoda kutanga kusavimba neni iko zvino? Chanyanyosanduka chii?,” akadaro Laina.

Wilfred haana kupikisana nemashoko akataurwa nemudzimai wake achiti ane fungidziro huru yekuti anodanana nemaroja avo.

“Changamire, ini handisi kuramba zviri kutaurwa nemukadzi uyu. Ichokwadi kuti ndiri kumufungidzira kuti ari kudanana nevana vatinogara navo. Ndinoona sekunge kuwirirana kwaanoita nevana ava kwakadarikidza ndosaka ndiri kufungira kuti vane zvavanoita.

“Iyewo mukadzi wangu ane dambudziko. Kubva pandakatengerwa motokari nemwanakomana wedu, ava kundiitirawo shanje nekuti ari kufunga kuti ndinogona kungounza mumwe mudzimai wechidiki sezvo ndava kufamba nemotokari,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akarasa chikumbiro chaLaina chegwaro rerunyararo akati vaviri ava vachengetedze runyararo pakati pavo.

Share This:

Sponsored Links