Usatore mishonga yechivanhu kana uri kunwa maARVs

28 Jan, 2022 - 15:01 0 Views
Usatore mishonga yechivanhu kana uri kunwa maARVs

Kwayedza

SANGANO reNational AIDS Council rakadzidza kuti kune mimwe mishonga, kusanganisira yechivanhu, iyo iri kutengeswa munyika ichinzi inorapa HIV neAIDS zvisinei nekuti mimwe yacho iri kupinzwa munyika nenzira dzemikoto uye mimwe ichigadzirwa nevanhu muno.

Mishonga iyi haisati yaitwa ongororo nenyanzvi kuti inge ichishandiswa nevanhu saka haikurudzirwi kushandiswa.

Hatikurudziri kushandiswa kwemishonga yechivanhu kana vanhu vachitora maAnti-retroviral Drugs (ARVs).

Mishonga yemaARVs inoshanda zvakasimba yakazvimiririra yega uye haidi rubatsiro rwemimwe mishonga yemidzi kana mashizha.

Zvakakosha kuti vanhu vatevedze yambiro yavanopihwa nemachiremba.

Mishonga yese iyi inenge isina kuvhenekwa mumarabhoritari kuti ionekwe kushanda kwayo saka kune vanhu vakawanda vari kupedzisira varasikirwa nemitezo yemuviri nekuda kwekutora mishonga yechivanhu zvisina ruzivo rwemachiremba.

Sangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe ndiro rinotarisa nezvemashandiro anoita mishonga munyika saka vanhu ngavasiyane nekutengeserwa mishonga iri kushambadzwa nekuti ndeyemanyepo.

Vamwe vanogadzira mishonga vakatoendesa mishonga yavo kumarabhoritari kunovhenekwa asi haisati yapihwa mvumo yekuti ishande munyika.

Kusanganiswa kwemishonga kunoita kuti ikundikane kushanda nemazvo uye vanhu havafaniri kushandisa mishonga isina kunyoreswa zviri pamitemo nekuti kutorerwa mari bedzi uye zvinoisa utano hwevanhu panjodzi.

Kurapwa kwemazvo ndekunotevera:
Vhenekwa HIV
Kana uchinge waonekwa kuti une hutachiona hweHIV, unotanga wavhenekwa zvinhu zvakasiyana kuti paonekwe kuti wakakodzera here kuti unge uchipinzwa pachirongwa chekutora maARVs.
Unofanira kuzvibata zvakanaka uchidya chikafu chinovaka muviri nekuita mitambo inosimbisa muviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>