Uncategorized

Vabereki itai hurukuro nevana: Mai Geingos

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Vabereki itai hurukuro  nevana: Mai Geingos

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika yeNamibia, Mai Monica Geingos, vanoti zvakakosha kuti vabereki vakurukure zvakadzama nevana vavo vachivapa chenjedzo pamusoro penyaya yekudzivirira kutapurirwa utachiona hweHIV neAIDS.

Mai Geingos, avo vanove zvakare mumiriri wevanasikana nemadzimai echidiki musangano reUNAIDS, vakataura mashoko aya svondo rapera pamabiko akaitwa nesangano re#BeFree Conversation paWomen’s University in Africa (WUA), muHarare.

Vanoti zvinoremera vabereki vazhinji vakurukura nevana vavo pamusoro penyaya dzebonde kunyangwe zvakakosha zvikuru.

“Zvakakosha chaizvo kuti sevabereki mupote muchimbokurukura nevana muchiedza kunzwisisa kuti chii chaizvo chiri kuitika muupenyu hwavo.

“Zvinhu zvinogona kutiremera sevabereki kutaura nyaya dzebonde kuvana vedu asi zvakakosha kuti tigare navo pasi tichivadzidzisa zvakanaka nezvakaipa.

“Nekuti tikangovasiya vakadaro vamwe vanogona kuita misikanzwa vakazobatira utachiona hweHIV nechirwere cheAIDS,” vanodaro Mai Geingos.

Share This:

Sponsored Links