Vagari vekuMbare vochema nesuweji

29 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Vagari vekuMbare vochema nesuweji

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekuMbare muguta reHarare vari kuchema-chema nekuda kwehuchapa huri munzvimbo iyi uho hunosanganisira kusatakurwa kwemarara nekanzuru nenguva, kushaya mvura yakachena uye pombi dzesuweji dziri kungoputika izvo zviri kuvaisa panjodzi huru yekubatira zvirwere zvakaita seCovid-19 kana cholera.

Kwayedza yakaita hurukuro nevanoshandira munzvimbo iyi zvose nevanogara mumigwagwa inoti Runyararo, Samuriwo, Emma naMhlanga avo vari kutsutsumwa zvakanyanya nekuda kwetsvina yemasuweji yave nemazuva ichingodhubhuka asi kanzuru isingavacheuke.

Sekuru Mbata Fernandes (71) vanoti vanetsekana nekuda kwesuweji iri kungodhubhuka iyi.

“Mvura yedu inogara yakavharwa muno asi ichirasika nekuda kwemapombi akatsemuka uye tava nenguva zvichiitika.

Masuweji ari kuputika, zvosangana nemvura iyi vana vazotambira mutsvina imomu. Ino inguva yechirwere cheCovid-19 icho chinoda hutsanana saka hatizive kuti kanzuru yedu iri kuiteiko. Migwagwa yose yazara mvura kudai,” vanodaro Sekuru Fernandes.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPrince Gusha (35) vachiti kanzuru yeHarare inofanirwa kutora matanho akasimba kugadzirisa mamiriro ezvinhu aya.

“Nyanzvi dzezveutano dzinoti chirwere chiriko cheCovid-19 chinoda hutsanana huzere senzira yekuchikunda, zvino kuno kuMbare tinogara tisina mvura uyewo masuweji achingoyerera nepazvivanze zvedu. Kureva kuti kanzuru yedu yeHarare ikaramba ichiita maitiro akadai denda iri hatimborikunda uyewo zvirwere zvakadai secholera yakambonetsa iya zvichanyuka zvakare tigoguma tava kusangana nematambudziko akawanda,” vanodaro VaGusha.

Mai Maidei Govera, mumwe mugari wemunzvimbo iyi, vanoti vakaenda kubasa vanototya sezvo vana vachisara vachitambira mumasuweji aya izvo zvine njodzi kuutano hwavo.

“Tine vakomana vedu vechidiki muno, ndivo vanotomboedza kuvhurira tsvina iyi kuti iwane kwekufamba nako. Migwagwa yedu atova madziva, kunyanya waMhlanga unobva kuna Beatrice Road kunosvika kuArdbennie.

“Tinokumbira kuti dai kanzuru yedu yapotawo ichigadzirisa matambudziko akadai nenguva,” vanodaro Mai Govera.

Kanzuru yeHarare iri pasi pemapato anopikisa ayo akundikana zvachose kuwanisa vagari zvinhu zvavanotarisira semvura yakachena, kutakura marara nekugadzirisa migwagwa.

Hurumende yaona kukundikana kwemakanzuru aya, yakatotanga zvirongwa mumaguta nemadhorobha ose izvo zvakananga kugadziridza migwagwa yange yangova makomba, kuwanisa veruzhinji mvura pamwe nekukukura marara ayo akangoungana munzvimbo dzisina kukodzera.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti dambudziko remapombi emvura neanofambisa tsvina ayo ari kutushuka muguta guru iri riri kugadziriswa.

“Tine misha yedu yekare yakaita sekuMbare, Highfield, Mufakose, Mabvuku nekumwe kune mapombi emvura nesuweji akaiswa kare ayo mamwe tiri kubvisa tichiisa matsva. Saka dambudziko iri riri kugadziriswa uyewo tinokurudzira vanhu kuti vatizivise nenguva kana kwaitika dambudziko rakadaro,” vanodaro VaChideme.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>