Uncategorized

Vahosi nanyachide tiba!

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MADZIMAI maviri ari pabarika akaendesana kudare redzimhosva apo mumwe aiti aoneswa ndondo nekurohwa pamwe nekutukurirwa.

Treasure Skingi akamhan’arira Pauline Mbewe kuHarare Civil Court achiti anogara achimushungurudza kuburikidza nekumutuka pamwe nekumurova.

Skingi akaudza mutongi wedare iri, Barbra Mateko, kuti: “Changamire, kubva musi wakadzoka mukadzi uyu, mumba medu hamuna kana mufaro, tinogara tichishungurudzwa. Pamwe pacho anomuka akagara mupaseji kuti tishaye pekufamba napo pedzezvo anouya kumba kwangu kwandinorara nemurume wangu owaranura mubhedha wandinenge ndanyatsogadzira.

“Saka ndaona kuti zviri nani nditore danho rekupihwa gwaro redziviriro nekuti ruvengo rwuri pakati pedu rwakaoma. Mumwe musi akauya muimba yangu yekurara akabva akiya musiwo ndokutanga kundirova achindipa mazita akasiyana.

“Pamwe anonditi ndiri pfambi pamwe onditi ndiri muroyi asi ndini ndakasara ndichichengeta vana vake paakatamira kuMvuma kwemakore gumi apfuura. Kana zvichibvira ndinoda kuti mukadzi uyu abve hake pamba pangu adzokere kwaakabva nekuti handisisina kana mufaro.”

Mbewe akapokana nemashoko akataurwa naSkingi achiti anofanira kuziva kuti vari pabarika kuti vakwanise kugarisana zvakanaka.

“Amai ava vave kungonyara kuti vachembera ndokusaka vatamira kuno. Ini handina kumboita dambudziko pavakatorwa nemurume wangu nekuti pandakauya pakange patove nemumwe akanga aripo. Amai ava vanofanira kuziva kuti tiri pabarika kuti tikwanise kugarisana zvakanaka.

“Munhu akakanganisirwa ndini kwete ivo nekuti vanoudza murume wangu manyepo ouya kumba achibva andirova asi handina kana zvandinovaita. Chaari kuda ndechekuti ndibve nevana vangu iye agare nevana vake vaakauya navo paakatorwa nemurume wangu.

“Ndaishanda kuMvuma handirambe, ndichitumira mari kumurume semunhu anoziva kuti musha wedu wakakurisa asi zvekuti ndinoswera ndichirovana nekutukana naye manyepo.

‘‘Kana riri gwaro raari kuda ngaapihwe hake, handipokane nazvo nekuti ndiri kutodawo kugara murunyararo naamai ivava,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Skingi asi ndokuti akanga asingakwanisi kudzinga Mbewe pamusha apa sezvo dare iri risina masimba ekudaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>