Kwayedza
VAKOMANA vana vekuenda kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts vachinoita vafakazi panyaya yekubiwa kwekombiyuta nemimwe midziyo vakazogumisira vasungwa mudare umu apo hanzvadzi yavo, iyo yavakange vasungisa vachiti ndiyo yakaba, yakadura kuti vakaita majana ekuibata chibharo.
Musikana uyu akange amhan’arirwa nehanzvadzi yake (zita tinaro) uyo anoshanda kuSecurico Security Company, kuti akamubira midziyo inokosha US$800.
Midziyo iyi yaisanganisira Apple laptop nebhegi racho, makii emotokari, chaja yefoni nebhachi.
“Ini vakangondipa bhegi chete asi ivo ndivo vakatoita majana ekundibata chibharo,” akadaro musikana uyu.
Mushure mekunge ataura mashoko aya, mutongi Yeukai Chigodora akabva audza mapurisa aive mudare iri kuti vasunge hanzvadzi dzemusikana uyu.
Vakomana vana ava vakabva vaendeswa kukamba yemapurisa yeSt Mary’s Police Station. Vari kutarisirwa kuzopinda mudare nemhosva yavari kupomerwa yekubata hanzvadzi yavo chibharo.
Mutongi Chigodora akarasa nyaya yekuba yaipomerwa musikana uyu mushure mekushaikwa kweumboo hwaimuroverera pamhosva iyi.