Uncategorized

Vakachenesa Matererini Flats

28 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
Vakachenesa Matererini Flats Vanhu vachichenesa nharaunda yeMatererini Flats kuMbare, muHarare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NHENGO dzesangano reBright Girl Movement pamwe chete neTeam Up To Clean Mbare nemusi weMugovera vakachenesa nharaunda yeMatererini Flats iri kuMbare, muHarare senzira yekudzivirira kunyuka kwezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa seCovid-19, cholera, dysentery netyphoid.

Nyasha Manzou, uyo anove muvambi uye sachigaro weBright Girl Movement, anoti zvakakosha kuti nharaunda dzigare dzakatsvinda nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere.

“Takachenesa nharaunda yeMatererini Flats tichibatsirana nevashandi vekanzuru yeHarare uye vamwe vagari veko. Chinangwa chedu ndechekufambisa mashoko echenjedzo kuti vanhu vasangomirira vemakanzuru kuti vauye kuzochenesa nharaunda dzavo asi kuti vapindewo mubasa iri nekuti kana zvirwere zvikauya zvinobata ivo. Chirwere cheCovid-19 nezvimwe zvemanyoka zvinovapo nekuda kwekusatsvinda kwenharaunda nekudaro basa ratakaita rinobatsira mukuderedza kupararira kwechirwere ichi,” anodaro Manzou.

Anoti panguva yavaiita basa iri, vaitevedza zvose zvinodiwa mukurwisa cheCovid-19.

“Takatsvaira marara tisina kuungana uye taive nedziviriro yemagirovhosi. Mushure mekupedza basa redu, vanhu vakageza maoko nesipo uye masanitizer,” anodaro.

Mitchel Chirombe anova Junior MP weSunningdale uye ari muvambi wesangano iri zvakare, anoti vari kubatsirawo vanasikana vechikoro nezvekushandisa panguva yavo yekutevera.

“Tine vanasikana vanobva kumhuri dzinotambura nenherera uye vamwe vabereki vanoita mabasa ekutengesa mumisika asi munguva ino yechirwere cheCovid-19, mabhizimusi mazhinji haasi kufamba zvakanaka.

“Kushaiswa kwemidziyo yakanaka yekushandisa pautano hwekuyaruka kunoita kuti vanasikana vazhinji vapedzisire vava kushandisa machira akasviba zvichiita kuti vapedzisire vava kubatwa nezvirwere zvegomarara rechibereko,” anodaro.

Chirombe anoti vari kuita zvirongwa zvepamadandemutande anosanganisira WhatsApp, Facebook neTwitter vachizivisa vanhu pamusoro pechirwere cheCovid-19 uye kukosha kwekugara munharaunda dzakachena.

“Tiri kutarisira kuti kana tikawana rutsigiro rwemari, gore rino tichaita misangano yekudzidzisa vanasikana maringe neutano hwekuyaruka. Tinotenda zvikuru rutsigiro rwatakawaniswa nekambani yeOTMA mukufambisa chirongwa chetsvarakadenga cheMiss Slay Queens dzinova dzakauya kuzobatsira pachirongwa chekucheneswa kweMatererini Flats,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>