Uncategorized

Vakaponda muridzi wemba

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuDzivaresekwa, muHarare, vari kuferefeta nyaya yekupondwa kwemumwe mudzimai — uyo akafa nekubaiwa nebanga husiku – mwanakomana wake ndokukuvadzwa zvikuru apo vaiedza kudzivisa makororo aivabira mumba mavo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti bongozozo iri rakaitika mambakwedza emusi weChipiri chadarika kunzvimbo inonzi Bakosi iri kuDzivaresekwa Extension.

Vanoti mudzimai uyu akamuka apo akanzwa mbavha dzaiba mumba make apo akazobaiwa nebanga pamwe chete nemwanakomana wake.

“Tine nyaya yemudzimai aiva nemakore 58 okuberekwa uyo akabaiwa nematsotsi achibva azonofira pamusiwo wekiriniki kuDzivaresekwa. Mwana wake mukomana wemakore 26 okubereka akabaiwawo nemakororo aya uye ari kurapwa muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti matsotsi aya anonzi akasvika pamba pemhuri iyi ndokuba apo akazotanga kutakura midziyo yavaiva vaba iyi nebhara yaisanganisira materevhizheni, mapoto nezvimwe.

“Mai ava nemwana wavo vakazotanga kufamba vachitsvaga kuti makororo akanga avabira vaiva vaenda nekupi apo vakasangana nembavha idzi. Vakaedza kuvarwisa vachida kutora zvinhu zvavo zvikazoita kuti vaviri ava vabaiwe.”

Asst Comm Nyathi vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ndokutanga kuferefetwa.

“Semapurisa, tiri kutsvaga kuti tisunge vanhu vakapara mhosva iyi uye tinokumbira kune voruzhinji kuti vatibatsire. Tinokurudzirawo mapurisa edu kuti vapote vachitenderera munzvimbo dzose munguva dzehusiku,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>