Uncategorized

Vakapotsa vaendeswa kwamupfiga nebwe. . . nemutorwa wavakambochengeta

05 Feb, 2015 - 15:02 0 Views
Vakapotsa vaendeswa kwamupfiga nebwe. . . nemutorwa wavakambochengeta

Kwayedza

Nyasha Mutena
MURUME wechidiki wekuZengeza 3, kuChitungwiza, anonzi svondo radarika akamuka chibhebhenenga apo akadzoka kuSouth Africa ndokuenda kumba kwevamwe sekuru naambuya vakambomuchengeta kare uko akanovatema-tema nematombo nechikonzero chisati chazivikanwa.

Nicholas Hove anonzi akabva kuSouth Africa kwaanoshandira ndokusvikopfuririra kumba kwaMbuya Edith Chingati (74) naSekuru Tom Chingati, panhamba 6 Hondohwe Zengeza 3 uko akanovarwisa zvekuvaita kafira mberi.

Chembere neharahwa ava vakanoponera kuchipatara.

Hove anonzi akangopinda mumba mevasharukwa ava achiti aida kuuraya munhu akabata mazitombo ndokutanga kutema Mbuya Chingati.

Mbuya Changati vakatopona nekuhwanda mubhedhuru asi Hove anonzi akaramba achitema gonhi nematombo kusvikira raparara.

Muchinda uyu anonzi akazotanga kukanda matombo achipinda mumba nepaburi repagonhi rainge raparadzwa achitema chembere mbiri idzi.

Mbuya Chingati, avo vakatsemuka pahuma, ndokukuvara ruwoko pamwe nekusvuuka dzimwe nhengo dzemuviri, vanoti havasati vamboona mashura akadai muupenyu hwavo.

Vanoti Hove akangouya achidya marasha uye kusvika nhasi uno havazive kuti akanga apindwa nei.

“Mwana uyu akatishura chokwadi, mumba muno mese makazara ropa tichitemwa nematombo. Akatanga neni ndokuzopindira sekuru avo vainge vakarara, vanova bofu nokudaro havaigona kutiza,” vakadaro Mbuya Chingati.

Vanoti havana fungidziro yekuti Hove angave nedambudziko rekurasika njere sezvo ari mwana wavakakura vachiona zvakare ishamwari yemwanakomana wavo, Mugove Chingati.

Mbuya Chingati vanoti Hove vanomuziva achishanda kuSouth Africa uye semunhu aitounganidza midziyo yake yakasiyana, kusanganisira motokari kumba kwavo.

Mashoko avo akatsinhirwa naSekuru Chingati, avo vanoti Hove aiva shamwari yemwana wavo zvekuti panguva yaakambopa mumwe mwanasikana pamuviri akadzingwa kumba kwavo, ndivo vakamutora vakagara naye.

Vanoti Hove akatombotsvagirwa basa nemumwe mukuwasha wavo pane imwe kambani akazodzingwa mushure mekunge abatwa nemhosva yekuba apo akazoenda kuSouth Africa.

“Mwana watakambochengeta pano sezvo aitamba nemwana wangu Mugove, nanhasi zvinonetsa kubvuma. Dai pasina mumwe murume akazofunga kumutema nedombo ndingadai ndakafa nekuti aisadziviswa, akanga akaipirwa,” vakadaro Sekuru Chingate.

Mubongozozo iri, Sekuru Chingate vakakuvara gumbo.

Sekuru naMbuya Changati vanoti vakazorapwa maronda kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Hove anonzi akatozomira kurwisa vaviri ava apo akatemwa nematombo nemumwewo murume aidarika paiitika mashura aya. Izvi ndizvo zvakaponesa Sekuru naMbuya Changati.

Muhurukuro panhare nehanzvadzi yaHove, Mai Pride Chizeya, vakatsinhira nezvekurwiswa kwechembere neharahwa idzi.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naHove kusvikira pakudhindwa kwebepanhau rino sezvo anonzi akange ari kuchipatara cheHarare Central Hospital uko airapwa.

Midziyo nezvimwewo zvinhu zvakaparadzwa pabongozozo iri.

Mukuru wemapurisa pakamba yeSt Mary’s Police Station, Inspector Daniel Badza, vakati nyaya iyi yakange isati yasvitswa kwavari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>