Vakaremara vapihwa rubatsiro neChina

10 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
Vakaremara vapihwa rubatsiro neChina

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wemumiriri wenyika yeChina muZimbabwe, Mai Wang Wei, vakapa rubatsiro rwemidziyo uye chikafu chinokosha US$2 300 kuvana vakaremara vanova nhengo dzesangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children (ZPHCA) nemusi weMuvhuro muguta reHarare senzira yekuvarangarira, zvikuru munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Vachitaura pakutambidzwa kwezvinhu izvo zvinosanganisira hupfu, mafuta, bhinzi, madiapers, mamasiki nemawiricheya vari kumahofisi eZPHCA ari kuHatifield, muHarare, Mai Wang vanoti vanofara zvikuru nemabasa makukutu ari kuitwa nesangano iri mukubatsira vana vakaremara pamwe nevabereki vavo.

“Ticharamba tichiuya tichidongorera vana vari pano tichiona kuti zvii zvingadiwa kuti raramo yavo ireruke. Tinoziva chirwere cheCovid-19 chakadonhedzera pasi mamwe mabasa ekutengesa aiitwa nemadzimai kuti vakwanise kuriritira vana ava nekudaro vakatoomerwa zvikuru kana tichienzanisa nevane vabereki vane mitezo yakakwana.

“Vana vakaremara vari nyore kutapurirwa chirwere cheCovid-19 nekuti vanobata zvinhu zvakawanda apo vanoedza kufamba uye vanoda rubatsiro rwemumwe munhu zvinoita kuti vagare vachibatwa miviri yavo nguva nenguva. Saka vanoda chengetedzo kuburikidza nekushandisa mamasiki, kugeza maoko nguva nenguva vachishandisa sanitizer uye kusaungana,” vanodaro Mai Wang.

Vanotenda Hurumende nekudzika mitemo inosimbaradza kucherechedzwa kwekodzero dzevakaremara munyaya dzeutano, chengetedzo, dzidzo nekuwaniswa chikafu – pakati pezvimwe – kuti pange pasina musiyano nevamwe vavo vasina kuremara.

Mai Theresa Makwara vanova murongi kusangano reZPHCA vanoti vabereki vevana vakaremara vazhinji havana mabasa akati tsvetere nekudaro vanopona nekupemha kana kutengesa mumisika.

“Tine vana vakaremara nenzira dzakasiyana zvekuti vamwe vacho vanoti kana vakarara havakwanisi kuzvipindura, vamwe vanofanirwa kupfeka manapukeni zveupenyu hwese saka kazhinji vabereki vavo vanokundikana kuenda kunotsvaga mabasa akati tsvetere. Tinotenda rubatsiro rwatapihwa neshamwari dzedu dzeChina uye hakasi kekutanga tichiwaniswa rubatsiro navo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links