Uncategorized

Vakaremara vari kubatsirwa

03 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Vakaremara vari kubatsirwa VaTerence Nyamazana

Kwayedza

Abel Ndooka

Vanhu vakaremara mitezo vanogara mumusha weDzivarasekwa, muguta reHarare, vari kuwaniswa hupfu kuburikidza nechirongwa chiri kuitwa nesangano rakazvimirira reThe Faith, Love and Hope Community Trust rakabatana nedura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB).

General manager wesangano iri, VaTerence Nyamazana, vanoti vanhu vakaremara upenyu hwavo hwakanganisika zvikuru panguva ino apo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vanoti vakaremara vazhinji vavo vanorarama kuburikidza nekutengesa zvinhu zvakasiyana izvo zvisiri kukwanisika kuitika pari zvino nekuda kwemitemo yakadzikwa neHurumende yekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Kuuya kweCovid-19 kwakashandura zvinhu zvakawanda munyika uye vakaremara vamwe vevanhu vakakanganisika upenyu hwavo zvikuru. Vazhinji vavo vairarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana vachiwana tumari, asi iye zvino havachina dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari. Saka isu sesangano hativasiye uye tinoramba tichirwira kodzero dzavo,” vanodaro.

FLHC ine nhengo dzinodarika 100 uye svondo rino 87 vavo vari kuwaniswa hupfu hwakatengeserwa sangano iri neGMB nemutengo wakaderera.

VaNyamazana vanoti nhengo dzavo mwedzi woga-woga dzinowanawo mari kubva kuHurumende pasi pechirongwa chekubatsira vanoshaya.

“Vakawanda venhengo dzedu vari kurarama nemari inobva kuSocial Welfare, asi tichitarisa kudhura kwave kuita zvinhu muzvitoro, mari iyi haichavakwanira. Saka isu ndipo takazonyorera kumakambani akasiyana tikadairwa neveGMB vakatitengesera hupfu nemutengo wakanaka chaizvo,” vanodaro.

VaNyamazana vanoti zvakakosha kuti vakaremara vapindewo muzvirongwa zvakasiyana zvekusimudzira nharaunda dzavanogara.

“Sevanhu vakaremera, tinokumbira kuti pazvirongwa zvose zvinoitwa zvebudiriro munharaunda dzatinogara tinge tirimowo, tisasiiwe. Tinoda kupawo pfungwa dzedu maererano nenyaya dzebudiriro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>