Uncategorized

Vakarumwa nenyuchi kumakuva

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Vakarumwa nenyuchi kumakuva Mai Cathrine Hlatu

Kwayedza

Mai Cathrine Hlatu

Mai Cathrine Hlatu

VANHU vaiva pakati pebasa rekuvakira makuva ehama dzavo nekuaisa matombo zvose nekusakurira mubhuku raMushingaidzwa, kwaNyamweda kuMhondoro, vakazosiya basa iri vachiita rurasademo kutiza apo kurumwa nenyuchi vamwe vakaita sevachapenga.

Vakarumwa ava vaisanganisira varume nemadzimai avo vamwe vacho vakanohwanda mukati memakuva nemuzvuru zviri padyo nyuchi dzisingazivikanwe kwadzakabva dzapenga.

Pamakuva apa ndipo pakavigwa mutumbi wemudzimai akafa mugore ra2013 ainzi Modester Gida aiva nemakore (30) uyo anonzi akasanduka kumera nhengo yechirume achangofa.

Nyuchi idzi dzinonzi dzakarumawo zvipfuyo zvinosanganisira imbwa nehuku.

Ivhu raiva rakanywa nesimende yekuvakisa makuva aya nematombo aiiswa pamakuva, mapiki nemafoshoro zvakasiiwa vanhu voita bararamhanya. Zvinhu izvi zvikazotorwa kumakuva mushure memazuva maviri apo basa rakazopedziswa.

Nyuchi idzi dzinonziwo dzaitandanisa motokari kana mabhazi zvose nevamwe vaidarika netsoka sezvo makuva aya akavambirana nemugwagwa unobva kuHarare uchienda kwaMubayira.

Nyaya yakanyanya kunetsa nekushungurudza vanhu ava ndeyekuti nyuchi idzi dzinonzi dzaipinda mumarokwe emadzimai nemumatarauziizvo zvakakonzera kuti vamwe varumwe kunhengo dzakavandika.

Mamwe emakuva anodarika 50 ari apa ndeevamwe vakuru vakavigwa kuma1960.

Mukati mevanhu vakarumwa zvakaomarara, avo vanokwana gumi nevaviri, vanosanganisira Sekuru Jim Chiponde Mutorashanga (84), Joshua Mahachi, Israel Kandambi, Pedzisai Chiponde, Gasa Kandambi Ruzvidzo, Tedious Torindo naNikirosi Kandengwa.

Vanhu ava vanonzi vakanorapwa kukiriniki yeMaonera iri munzvimbo iyi apo vazhinji vakaenda vachifamba kunze kwaSekuru Chiponde avo vanonzi vakazotakurwa nebhasikoro rainanaidzwa naJoshua sezvo vakanga vasisagone kufamba nekuzvimba muviri wose.

Sekuru Chiponde vanoti nyaya iyi yaiva yakaoma zvikuru uye vakapona nepaburi retsono.

Vanoti vakazonunurwa nemwana wavo musikana uyo akabva kumba anzwa kuti vairumwa nenyuchi.

“Shoko rakatumirwa kwandiri semuzukuru mukuru muno rekuti kwaizoda kusakurirwa makuva mamwe achiiswa matombo nekuvakirwa nekutsvaira.

“Zuva iri ndakazosvika kumakuva uku vanhu vatotanga basa zvikandishamisa sezvo ndirini dunzvi raifanirwa kutanga kuita chivanhu chekukumbira kuvafi kuti basa iri riitwe,” vanodaro.

“Ndakawana paine vanhu vakawanda apo madzimai aitsvaira paine vamwe vaisanganisa VaNikirosi Kandengwa, Israel Kandambi, Joshua Mahachi, Mutasa Samaita, Tamanikwa Kandambi naPeter Kandambi.

“Ndasvika kudaro, handina kupedza maminetsi kana gumi nyuchi dzakabva dzabuda muguva remushakabvu Nikirosi Kandambi dzichidya marasha. Dzakatanga kuruma vanhu, mhomho ndokuita rurasademo vachitiza.

“Ini dzakandimomotera nemuhuro nemumusoro ndikawira pasi ndichiedza kutizira kunhandare yenhabvu. Ndaingozhamba pasina aigona kundibatsira nekuti munhu woga-woga airwira hwake upenyu,” vanodaro Sekuru Chiponde.

Vanoti vamwe vanhu vaingochema vachitiza kudzimara kwakazowana mumwe akaridzira mwana wavo nhare achimuzivisa kuti auye sezvo baba vake vakanga vatarisana nerufu.

“Ndakaponeswa nekuti ndaiva nevhudzi guru nendebvu, mwana wangu Pedzisai Chiponde akasvika achibva kumba ndokusvikobvuta cover bed yaiva nemumwe munhu ndokupumha nyuchi dzaindiruma achibva andiputira ndokundisimudza. Ndakazoendeswa kukiriniki.

“Ndakasvikobaiwa majekiseni maviri ndikakwizwa mushonga unenge hanyanisi. Ndakazotanga kuita manyoka nekurutsa kusvikira ndadzoka kumba. Iye zvino ndava mushe, chasara maronda chete,” vanodaro Sekuru Chiponde.

Makuva aigadzirwa musi uyu aisanganisira raViolet Manyati raivakwa neraSimon Ketsemura iro raiiswa dombo.

Vanoti pachivanhu hakuna guva rinofanirwa kuiswa dombo mufi asina kurohwa guva vachiti guva raKetsemura harisati rarohwa, zvavanoti zvinogona kunge zviri izvo zvakakonzera kurumwa kwevanhu nenyuchi.

Mufi akagumisira kuvigwa pamarinda aya ndiViolet Manyati.

“Ini semuzukuru ndinoti kumadzisekuru angu ose takapihwa chidzidzo, ngatisiyanei nenyaya dzekuti tave kunamata saka tava mapositori. Ngatirovei makuva nekutevedza chivanhu chedu. Akawanda makuva asina kurohwa panzvimbo iyi uye kana tisina kurova makuva ngatisiyanei nekuisa matombo paari nekuti vafi vanenge vachiri musango, vaine shungu,” vanodaro.

Mai Cathrine Hlatu Chogumaira (50) vanoti nyaya iyi ine chivanhu mukati.

“Takazongoona vanhu vachimhanya vachirumwa. Nyaya yakadaro haitarisirwe pabasa rakadaro, rekuyeuka vafi,” vanodaro.

VaAdam Chogumaira (87) vanotiwo pane chivanhu chakakanganiswa panyaya iyi.

“Pane chivanhu chisina kutevedzwa apa, chekutanga hapana kukumbira kune varerepo kuti basa iri riitwe. Mamwe makuva mazhinji aripo vanhu vacho havana kurohwa makuva kusanganisira raiiswa dombo iri.

“Ngatiitei chivanhu chizere kwete kuganhira toti tinoda kuisa matombo kumakuva evafi tisingade kuvarova makuva,” vanodaro.

Vanoti nyuchi idzi dzine zvadzinoreva sezvo dzakamboruma vanhu vaiva vakamirira mabhazi pachiteshi chiri pedyo uye dzikamborumawo mbudzi makore adarika.

“Guva remunhu mukuru rikangonaiwa kamwe chete ngarirohwe, tikatevedza chiKirisitu pasina gwara tinopera,” vanodaro.

Mudunhu rimwe chete iri ndimo mune vanamati vechipositori vekwaSabhuku Shirichena vakarumwa nenyuchi vakanopotera mumvura gore rapera.

Zvakadaro, pamakuva mamwe chete aya ndipowo pane rinda raSabastian Chigwada iro rinonzi rakawanikwa rakafukunurwa mangwanani achangobva kuvigwa apo vanhu vakamukirako pakawanikwa paine tsoka dzevanhu.

Sabhuku wemusha uyu, VaHwinei Mushingaidzwa, havana kuonekwa kuti vapewo maonero avo panyaya iyi.

Zvakadai, Sekuru Elisha Mutanga vekusangano reZinatha vanoti hakuna nyuchi dzinofanirwa kuruma vanhu vachiita mabasa ane chekuita nevafi.

“Nyaya iyi iri pachena kuti pane zvakanganiswa nekuti mufi ane maziso anodarika emupenyu, nebasa raiitwa apa vanhu ava vaifanirwa kurumbidzwa nekutendwa nepasi nevadzimu kwete kuzorumiswa nenyuchi, kurangwa kwavakaitwa uku,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links