Vakasiirwa bhegi rine ‘coffin’

18 Feb, 2021 - 12:02 0 Views
Vakasiirwa bhegi rine ‘coffin’ Bhokisi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekwaMurape, kwaChinhamora, kudunhu reDomboshava vakaitirwa mashura apo vakamuka vachiona pamakuva ari pedyo nechikoro cheko pakakandwa zibhegi iro vakavhura ndokuwana muine bhokisi rinovigirwa vafi iro rainge rakazadzwa nemachira matema nemachena pamwechete nezibhodhoro raive nemishonga.

Akaita izvi haasati ava kuzivikanwa chinangwa chake uye nyaya iyi yatova kumapurisa.
Bhokisi iri rinonzi rakafumoonekwa mumakuva ari pedyo nechikoro cheZimbiru Primary School nemusi weChishanu chadarika. Sadunhu Mungate, VaTendai Gilbert Mungate, vanotsinhira nyaya iyi.

“Aya mashura chaiwo, masabhuku angu andizivisa kuti kune bhokisi remwana riri muzibhegi iro rakakandwa pagedhi repachikoro cheZimbiru Primary pedyo nepamakuva asi munhu akaita izvi haasi kuzivikanwa chinangwa chake,” vanodaro Sadunhu Murape.

Vanoti havana kukwanisa kusvika panzvimbo iyi musi waitika zvinhu izvi nekuda kwekuti muviri wavo wainge wakapesana.

“Takazivisa mapurisa kuti vaende kunoona chiitiko ichi vakavimbisa kuti vaizosvika. Tinoda kuti bhokisi iri ribviswe, ripiswe paine vanhu vanoziva zvechivanhu seveZinatha. Pari zvino tamirira kuuya kwemapurisa,” vanodaro Sadunhu Murape.

Mamwewo mashoko anoti pane motokari yakaonekwa yakamira panzvimbo iyi, ndokuzosimuka ichivhetemetswa pakazosara pachionekwa bhegi rine bhokisi mukati memakuva.

“Ndakambofunga kuti sezvo kutenga makuva kumaguta kwave kudhura, vanhu ava varasa muine chitunha. Asi panga pasina kana nhunzi dzinoratidza kuti mune chitunha mukati. Hushereketwa hwanyanya munyika veduwe,” vanodaro Sadunhu Murape.

Vanoti nyaya yakadai yakamboitika kuNjedza munzvimbo yavo uko kwakawanikwa kwakakandwa mishonga yechivanhu, tsero, tswanda nezvimwe zvikazobviswa nemachiremba echivanhu.
Nemusi weChipiri, Sabhuku Zimbiru, VaNicodimus Zimbiru (70), vaiti vakamirira mapurisa kuti vauye kabhokisi aka kabviswe.

“Bhegi iri rinonzi rakasiiwa rakandwa nemotokari yeBenz yemhando yakare iyo yakangosvikomira nguva duku, ndokudonhedza bhegi iri. Zvinotyisa izvi,” vanodaro Sabhuku Zimbiru.

Sabhuku Zimbiru nebhodhoro

“Nyaya dzakadai dzine huroyi mukati, haugone kungoerekana wasvika panzvimbo yakadai uri woga. Ndokusaka takashevedza mapurisa uyewo tinoda kuti machiremba echivanhu kana maporofita vatibatsireiwo munyaya dzakadai idzi kuti bhokisi iri ribviswe,” vanodaro Sabhuku Zimbiru.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonalnd East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kumahofisi avo.

“Nyaya yekunzi kune bhokisi rekuvigira chitunha chemwana iro rakakandwa kwaZimbiru, kwaMurape handisati ndaiwana. Regai ndigotaura nevamwe vangu vekunzvimbo iyi tinzwe kuti zvakafamba sei,” vanodaro Insp Mwanza.

 

Share This:

Sponsored Links