Uncategorized

Vakatiza mumba . . .

24 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Vakatiza mumba . . .

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemubhuku raMarare riri papurazi rakagariswa vanhu patsva reKatawa, kuRaffingora, kudunhu reMashonaland West nguva pfupi yadarika vakapera mate mukanwa apo chitunha chemumwe murume weko chinonzi chakaimba chichidavira nziyo dzaiimbwa parufu apa, pashure ndokuzokosora.
Manenji aya anonzi akaitika pamusha wemhuri yekwaMupeyami apo pakashaya mukomana ainzi Affet Mupeyami (19) mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mukomana anga asati aroora uyu akashaikira pamba pavo mangwanani emusi wa7 Chikumi apo vemhuri yake vaimupepa.

Mutumbi wake unonzi wakazogara mazuva matatu pamusha vachimirira kuuya kwedzimwe hama apo unonzi waiimba pamwechete nevanhu vaive parufu, pashure ndokuzokosora inova nyaya yakashamisa.
Mukoma wemushakabvu, VaFannuel Mupeyami (37), vanotsinhira mashura aya.

“Munin’ina wangu akangorwara nechipfuva kwemasvondo matatu tikambomuendesa kuchipatara cheRaffingora uko pasina chirwere chakanoonekwa. Akazofira pano pamusha asi chakazotishamisa ndechekuti husiku hwemusi waakashaya, chitunha chake chakabva chatanga kuimba pamwechete nevanhu vaive parufu uyewo chichikosora.

“Vanhu vakambodzvamuka kutiza kusvikira masahwira avadzikamisa,” vanodaro VaMupeyami.
Vanoti pakatanga kuitika izvi, amai vavo vaiva mujira raive nemutumbi wemwana wavo uye ndivo vakatanga kunzwa kuimba nekukosora kwechitunha vachibva vazivisa vamwe.

“Mai vedu Dadirai Nyamhandu (53) ndivo vakatanga kunzwa chitunha chaAffet chichitsinhira nziyo dzaiimbwa dzinosanganisira kanonzi, ‘Tumai Mweya Mutsvene’ na’Ndaona Chikara Chapedza Vana’.
“Vanoti vakatanga kuzvinzwa kuma11 dzehusiku apo vanhu vaiimba, chitunha ichi chaiimbawo nezwi remufi chairo, chichizosandura kuita izwi rechikadzi, asi patakapinda isu vehukama chobva chambonyarara,” vanodaro VaMupeyami.

VaFarai Ndlovu (49) naVaChristopher Albero (53) — vanova masahwira emhuri yekwaMupeyami uye vakazogezesa mutumbi wemufi — vanotsinhirawo nyaya yemashura iyi.

“Isu taiva pamoto panze madzimai achiimba mumba maiva nechitunha. Takazoona vanhu vachibuda vachimhanya mumba umu tichinzi huyai munzwe chitunha chaAffet chiri kuimba nevamwe. Takapinda mumba ini nemumwe wangu Albero, tikanopinda mujira maiva nechitunha tikanzwa zvechokwadi mutumbi uyu uchitsinhira nziyo dzechechi dzaiimbwa,” vanodaro VaNdlovu.

Farai Dhlovu

Vanoti chinonetsa kunyangwe vainzwa mufi uyu achiimba, muromo wake wainge wakavharika asi mazwi ekuimba achibuda. VaAlbero vanoti vakazoshevedza hama dzemufi dzaisanganisira Luckmore Mupeyami (32) naNever Mupeyami (25) ndokupinda mujira maiva nechitunha, zvekuimba nekukosora zvichibva zvambonyarara.

“Takazofugura gumbeze raiva rakavhara chitunha ichi chichibva chatanga kuimba nevamwe zvakare. Vemhuri iyi vakazoshevedza mumwe muporofita uyo akauya akamwaya munyu nekuisa mbiya kumusoro kwechitunha asi mashura aya haana kupera,” vanodaro VaAlbero.

VaChristopher Albero

Vanoti mangwanani emusi wa8 Chikumi, chitunha ichi chakasandura izwi ndokutanga kuimba semudzimai.

“Zvaramba zvichiitika, kwakazoshevedzwa zvakare mumwe muporofita wechirume wekupurazi reMorton uyo akazouya nehupfu, reza, tsono nembiya ndokuburitsa vanhu vose mumba akaita mhiko dzake. Akazorovera hoko kumusoro nekumakumbo kwepaiva nechitunha izvo zvisina kubatsira nekuti mutumbi wakangoramba uchiimba,” vanodaro VaAlbero.

Mai Dadirai Nyamhandu, vanova amai vemushakabvu, vanotaurawo pamusoro pemashura aya vachiti ndivo vakatanga kuzvinzwa.

Mai Dadirai Nyamhandu

“Kubva musi wa7 Chikumi wakafa mwana wangu kusvikira tazoviga chitunha chake nemusi wa9 Chikumi, chaingoimba nevamwe chichikosora zvakaguma zvaita kuti tifunge kuti aiva mupenyu. Takatomboita mazuva tichifunga kuti achamuka.

“Vamwe anababa vake vanobva kuMbire nedzimwe hama taiva takavamirira avo vasina kuuya kusvikira taviga mutumbi kunyangwe taivataurira mashura ataisangana nawo aya,” vanodaro Mai Nyamhandu.
Vanoti vanhu vava kumakuva, mutumbi uyu waingoimba chete uchitsinhira nziyo kudzimara wadzikiswa mugomba.

“Maporofita vanoti chitunha ichi handicho chaiimba, asi kuti zvikwambo zvakamuuraya zvaipemberera kufa kwake nekurwira nyama yake,” vanodaro Mai Nyamupandu.

Vanoti mwana wavo asati afa, akabuda pachena kuti ainge anhonga foni yemumwe mukadzi panhamo uyo anoti akavimbisa kuti aizoshereketa kumunhu akaitora.

“Affet akati amai pamwe foni yandakanhonga ndiyo yaindirwarisa iyo akanga atengesera mumwe munhu. Takanotora foni iyi tikaidzosera kumuridzi wayo asi hapana chakasanduka. Hatizive kuti mashura aya ane chekuita here nefoni uye nekufa kwemwana wangu,” vanodaro Mai Nyamhandu.
Mukomana uyu anonzi akafa kwangodarika mwedzi mumwe chete baba vake vashaika avo vanonzi vakangorwara kwenguva pfupi.

“Murume wangu baba vemwana uyu vakanga vachangofa pakazoshaikawo Affet avo vasina kurwara. Takanovaviga kumusha kuGonono, kwaMujinga, kuMbire. Ini ndakadzingwa parufu irworwu nehama dzemurume ndikazodzokera pakuvigwa kwake ndava nevana vangu,” vanodaro Mai Nyamhandu.
Sabhuku Marare, VaSimon Marare (44), vanotiwo: “Nyaya yakaitika muno yakaoma, tinotoda kubatsirwa. Chitunha chakaimba kwemazuva matatu chiri mumba tikazvinzwa tose. Isu tinoti hachisi chitunha chaiimba asi kuti zvikwambo kana zvidhoma.

Guva

“Musha uyu unoda kubatsirwa uye pakagara pachinetsa, pakamboonekwa mupurwa wainwa mvura tikautsvaga tikaushaya zvachose. Tinoda vanhu vanobatsira mhuri iyi pachena nekuti vakapedza zvose vachitengesa kuti varapise baba vemusha uyu nemukomana azofa iyeyu,” vanodaro Sabhuku Marare.
Mbuya Alice Kwenda (60) vekuLochnvar muHarare vanoti mhuri yechitunha chinonzi chakaimba iyi mumusha mayo mune hurombwa hwakasimba.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0772 116 976, 0772 948 263, 0775 546 075 kana 0771 113 685.

Share This:

Sponsored Links