Vakawanda vobaiwa majekiseni eCovid 

27 May, 2021 - 12:05 0 Views
Vakawanda vobaiwa majekiseni eCovid 

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu 

VANHU vakawanda vanonzi vari kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuBulawayo izvo zvaona dunhu iri richitarisana nekushomeka kwemajekiseni anofanirwa kubaiwa pakutanga (1st dose).

Pasi pechirongwa chekubaiwa majekiseni aya, munhu anofanirwa kubaiwa kaviri kuti ave akadzivirirwa kubva kudenda iri.

Mukuru wezveutano kuBulawayo, Dr Welcome Mlilo vanove provincial medical director vanoti Hurumende iri mushishi yekuona kuti mishonga iri kuperevedza iyi yavepo panopera svondo rino.

Kubaiwa kuri kuitwa vanhu vakawanda majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuri kuuya panguva iyo Zimbabwe iri kurumbidzwa pasi rose nekutungamirira muchirongwa ichi.

Zimbabwe iri pakati penyika shoma dzakatanga kushandisa mushonga wemujekiseni wemhando yeSinopharm vaccine kubva kunyika yeChina munaKukadzi gore rino zvichitevera ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 639 553 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzvirira Covid-19 munyika muno apo 288 437 vange vabaiwa epiri (2nd dose).

Hurumende ine chinangwa chekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni ekudzivirira denda iri kuti nyika ive yakachengetedzeka panyaya dzeutano.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 38 706 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 36 517 vakatopona asi vamwe 1 587 vakafa.

 Ongororo yakaitwa neboka reOur World in Data padandemutande inotaridza kuti vanhu vakawanda vari kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

 Boka iri rinoti kusvika pari zvino, vabaiwa majekiseni aya muno chikamu che3,5 percent chevanhu vanosvika 14,5 miriyoni vari munyika yose, hunove huwandu hwakakwira kana kuchitariswa dunhu reSADC.

Kubvira pakatanga chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni aya, dunhu reBulawayo rine vanhu vakawanda vari kuenda kunobaiwa uye majekiseni akatanga kushomeka svondo rapera.

 Dr Mlilo vanoti mapurovhinzi akawanda haasati apedza majekiseni aakapihwa izvo zvasiyana neBulawayo uko pari zvino kuri kubaiwa vanoda majekiseni epiri chete.

 Hurumende, vanodaro, iri kuziva mamiriro ezvinhu maringe nekushomeka kwemajekiseni ekutanga kudunhu iri uye pakupera kwesvondo rino veruzhinji vanenge vave kukwanisa kubaiwa majekiseni aya kunzvimbo 30 dziri muBulawayo.

“Ichokwadi hatisisina majekiseni ekutanga nekudaro tambomisa kubaiwa kwemajekiseni aya kusvikira tawana mamwe. Bazi rezveutano rakatitaurira kuti titarisire kuwana mamwe mazuva mashoma ari kutevera uye tichazivisa veruzhinji kana achinge asvika,” vanodaro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vave nemwoyo murefu vachiti kushomeka kwemajekiseni aya hakufanirwe kunganisa kuzadzikswa kwechirongwa chekuti vanhu vange vakachengetedzeka munyika (herd immunity).

“Tange tachibaya vanhu vakawanda zvikuru avo vakateerera zvakataurwa nevatungamiriri vedu ndokuuya nehuwandu hwavo. Ndinofara kuti majekiseni edu ekutanga akapera nekuda kwekuti vanhu vakawanda vari kuuya kuzobaiwa kuBulawayo sezvo izvi zvisati zvaitika kune mamwe mapurovhinzi,” vanodaro Dr Mlilo.

Share This:

Sponsored Links