Vakawanda vonobaiwa majekiseni ku’Chitown’

15 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Vakawanda vonobaiwa  majekiseni ku’Chitown’ Dr Tonderai Kasu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KANZURU yeChitungwiza – kuburikidza nechikamu chayo cheCity Health Department – iri kukurudzira vagari veko vane makore 18 ekuberekwa zvichikwira nevanotambudzwa nezvirwere zvakasiyana kuti vatore mukana wekunobaiwa majekiseni ekudzivirirwa chirwere cheCovid-19 mumakiriniki mana ariko.

Makiriniki aya ndeanoti Seke North Clinic iri kwaMakoni, Seke South Clinic kuUnit L, Zengeza Clinic neSt Mary’s Clinic.

Vanhu vane hutachiona hweHIV vanorwara neshuga, Bp, mwoyo, mapapu nechiropa vanokurudzirwa kubaiwa majekiseni aya zvekare sezvo ivava vari panyatwa yekubatwa nezvirwere zvakasiyana.

Vashandi vepamberi vanosanganisira varapi, varairidzi nevakwegura vane makore anodarika 60 vachapihwawo mukana wekutanga kubaiwa majekiseni aya.

Dr Tonderai Kasu, avo vanova Director of Health and Environmental Services mukanzuru yeChitungwiza, vanoti chirongwa chekubaiwa majekiseni ichi chakatotanga musi wa30 Kurume uye vanhu vari kuuya nehuwandu hwavo.

“Hongu, kanzuru iri kufambisa shoko rekuti vanhu vaende kunobaiwa kumakiriniki akatarwa uye vanhu vari kuuya vakawanda. Pari zvino mishonga haisati yapera asi nekufamba kwenguva tinogona kuzoda kuwedzerwa nekuti vanhu vave kuuya nehuwandu hwavo kana zvichienzaniswa nemazuva ekutanga.

“Dambudziko bedzi ratinaro nderekushomeka kwevarapi izvo zvava kuita kuti vashoma varipo vashande pasina zororo,” vanodaro.

Dr Kasu vanoti kudzivirirwa kuri kuitwa vanhu chirwere cheCovid-19 kuburikidza nekubaiwa majekiseni hakufanire kubva kwatsiva dzimwe nzira dzagara dziriko sekupfeka mamasiki, kuregedza kuungana uye kugeza maoko nesipo kana kushandisa masanitizer.

Director weChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vanoti vanofara nedanho rakatorwa neHurumende rekuona kuti nyaya dzeutano dzapinda muvanhu.

“Chirongwa ichi tinochigashira nemaoko maviri nekuti chapinda matiri sezvo vanhu vakawanda vaikundikana kuwana mari dzemabhazi kuti vaende kuHarare kunobaiwa majekiseni iwaya. Dambudziko ratinaro muno muChitungwiza nderekushaikwa kweruzivo rwuzere maringe nemajekiseni iwaya uye dzimwe nzira dzekudzivirira nekuti kutaura kudai vanhu vatorivara, vava kutoungana zvekare kuzvibhorani, kumachechi nekumisika vasina kupfeka mamasiki. Saka mukana wekupararira kwechirwere kana kufa kwevanhu uchiripo,” vanodaro.

Vanenge vasangana nezvigozhero kana kuti vanoda rubatsiro maringe nenyaya dzekubaiwa majekiseni ekudzvirira Covid-19 kuChitungwiza vakasununguka kuchaya nhare dzinotevera: Matron Munyukwi 0772784967, Dr Kasu 0772375284, VaChiroodza 0712325502 naVaMukunya 0772634359.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>