Vakwegura vari panyatwa

01 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Vakwegura vari panyatwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vakwegura vanonzi vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kuderera kwemasoja emiviri yavo izvo zvinoita kuti vave nyore kubatwa nezvirwere nokudaro zvakakosha kuti vange vachidzivirirwa zvakasimba kubva kudenda iri.
Izvi zvakabuda pazuva rekucherechedza nyaya dzekumbunyikidzwa kwevakwegura reWorld Elder Abuse Awareness.

Vachitaura pamhemberero idzo dzakaitirwa muHarare, munyori mukuru kubazi rezvevashandi nekubatsirwa kwevanotambura, VaSimon Masanga, vanoti vakwegura vari panyatwa huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera zvimwe zvirwere zvavanenge vagara vainazvo seBP, cheshuga negomarara, pakati pezvimwe.

“Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 munyika muno kwakaona vanhu vakwegura vakawanda vachitambura nekushaya chikafu, pekugara, chekupfeka uye vamwe vachirasikirwa neupenyu nekuti vanhu vaivatsigira vanenge vava kuomerwawo neupenyu.
“Nyaya dzerusarura dziri dziwanda mudzimba pamwe nemumisha inochengeta vakwegura apo vanorohwa, kutukwa, kunyimwa chikafu kana kuregedza kurapiswa pavanorwara,” vanodaro.

Hurumnende, vanodaro VaMasanga, iri kuisa mitemo yakasimba iri maringe nekuchengetedzwa kwakanaka kwevakwegura kuitira kuti vabve munyatwa yekushungurudzwa.

“Chikamu che46 percent chevanhu vakwegura avo vane makore 60 okuberekwa zvichienda mberi vari kutambudzwa nezvinhu zviviri zvinoti kuremara pamwe nekubatwa nezvirwere zvinoda mishonga kwenguva refu (chronic illnesses). Saka vanoda rutsigiro rwakasimba kuti vave nezvekushandisa muraramo yavo.

“Vamwe vari kutorerwa midziyo yavo inovabatsira kuti vafambe ichivigwa nechinangwa chekuti vachengeti vavo vanenge vachida kuti vagare panzvimbo imwe chete. Izvi zvinovashungurudza zvikuru nekuti vane kodzero yavo yekufamba.
“Covid-19 iri kuita kuti vakweguru vasungurudzwe zvakanyanya apo vanenge vasisina raramo yavaiita vachiungana nekukurukura nevamwe vemazera avo,” vanodaro.

VaMasanga vanoti nyaya dzekupumhwa huroyi uye kutorerwa midziyo nemari dzepenjeni dzakawanda kuvanhu vakwegura.
“Tiri kuona vakwegura vachiwanda mumisha inochengetwa vakwegura zvichikonzerwa nekuti vava kusemwa munharaunda. Vanosekwa, kutukwa uye kupumhwa huroyi vachipedzisira vanosiiwa kana kuzviendera voga kumisha inochengetwa vakwegura.

“Saka zuva guru rekucherechedza kushungurudzwa kwevakwegura rinobatsira kuti tifushunure mamwe ematambudziko avanosangana nawo. Tinoda kusimudzira raramo yavo mune zvose sezviri mudonzvo redu remaSustainable Development Goals egore ra2030 ari maringe nekupedza nzara uye kusimudzira utano hwevanhu vakaremara nevakweguru,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links