Vamitisa murwere wepfungwa

29 Jun, 2022 - 08:06 0 Views
Vamitisa murwere wepfungwa Winnet achiratidza pamuviri pake apo Mai Chipo Mahamba vainge vakatarisa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

YAKAVA batai-batai pachiteshi chinokwirirwa mabhazi paMakoni kuChitungwiza nemusi weMuvhuro uno apo mumwe mudzimai wechidiki – uyo anorwara nepfungwa – akatanga kudura mazita evamwe varume vaanoti vanouya vachimutora vachinoshinha naye.

Winnet, uyo anoti kumusha kwake kuMasvingo, atova nepamuviri pakura.

Mudzimai uyu anokwanisa kutaura zvimwe zvinhu zvinotonzwisisika kunyangwe zvazvo pamwe pacho achizorasika, zvichitevera hurukuro yaakaita nemunyori uno.

“Vanhu vanoita bonde neni ndinovaziva, vamwe vanogara kuzasi uko (achinongedzera). Vamwe vanouya nemota tichienda kusango, vamwe ndevemuno murengi yemakombi uye vanonditengera sadza. Nhasi havapo pano,” anodaro Winnet.

Vamwe vevarume ava vakataurwa nemazita avo (ayo atinawo).

Vamwe vatengesi vepamisika uyu vanotsinhira kuti vanoziva nezvevarume avo vanonzi vanovhevetedza murwere wepfungwa uyu kuti vamuite mukadzi.

“Mumwe acho atori murume musvinhu ane mhuri yake uye ndiye ari kunyanya kutaurwa zita rake naWinnie, kungoti atova nemazuva asingaonekwe pano asi anogara achiuya achiita kunge anoda kumubatsira nechikafu.

“Zvinonyadzisa varume vakuru kuita zvinhu zvakadai kumunhu anorwara nepfungwa, kudai mapurisa aita ongororo vanhu vakadai vasungwa. Ipapa kana akazozvara mwana wacho munoti anopona here nechando chemumigwagwa maari kugara? Anogona kumuuraya zvekare nekuti hapana chaanoziva,” vanodaro Mai Tanyaradzwa Sithole.

Mai Tiara Moyo vanoshanda pamusika panobikwa sadza vanoti hutsinye chaihwo huri kuitwa nevarume vari kushinha nemurwere wepfungwa uyu.

Mai Chipo Mahamba vachipa Winnet chikafu

“Makazvitarisa mungati zvine musoro here izvi? Kumitisa munhu anorwara nepfungwa? Zvingori pachena kuti vanhu vanoita bonde naye pasina dziviriro kana kutya zvirwere.

“Handifungi kuti ndezvemishonga izvi, kungoda kunakirwa nezvisirizvo bedzi,” vanodaro.

Mai Sithole vanoti vanogara vachiona mudzimai uyu achirara parengi yepaMakoni uye pamwe pacho achigara paservice station yepo.

“Maonero angu anotofanira kunge aive mhandara, zvichida pamuviri apa ndepekutanga. Zvinoda kurondwa kuti kuno kuChitungwiza aigara nani uye kumusha kwake ari kukutaura. Makore ake bedzi ndiwo aasingazive nekuti ari kungoti ndine 14.

“Hameno kuti pamutemo ichaita here kubvisa nhumbu iyoyo sezvo ichiratidza kuti yatova kuma7 months saka yatova pedyo nekuzvarwa. Asi hutsinye chaihwo,” vanodaro.

Gogo Tinarwo vanoti vamwe vanhu vasafunga kuti kupinda pabonde nemurwere wepfungwa kunoita kuti vaite mari, asi kuti zvinotovapa rushambwa nekutambudza mwana anozobarwa.

“Tanzwa kuti ari kuda kutorwa oendeswe kuchipatara. Tinotenda sangano reVana Vedu Trust nekuratidza rudo kuti mwana uyu aendeswe kunzvimbo yakachengetedzeka. Kudai vose vaari kutaura mazita avo vasungwa.

“Iyewo akutoda kuti atsvagirwe nzira yekurera mhuri inoendeka nekuti anogona kuzodzoka mumigwagwa omitiswa zvekare,” vanodaro.

Zvichakadai, Mai Chipo Mahamba vanova mukuru weVana Vedu Trust vanoti vanorwadziwa mushure mekuziviswa nezvedambudziko remudzimai uyu ndokusarudza kumubatsira.

“Ndakafambira magwaro acho kuSocial Welfare nekumapurisa kuchikamu cheVictim Friendly Unit saka ava kuendeswa kuchipatara cheSally Mugabe Central Hospital. Imhosva kubata munhu anorwara nepfungwa uye iwewe wacho uri kuzviisawo upenyu hwako panjodzi. Zvakakosha kuita mwoyo wakanaka nguva dzose, zvikuru kune vanotambura sevanorwara nepfungwa nekuti vakangofanana nepwere, havana chavanoziva,” vanodaro.

Mutemo unoona nezvevarwere vepfungwa weMental Health Act, Chapter 15:12 unotarisa nezvechengetedzo yavo, kodzero yezveutano uye kuwaniswa mikana yekufamba vakasununguka pasina kumbunyikidzwa nevanhu vari munharaunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>