Vamwe 8 vafa neCovid-19

02 Jan, 2021 - 23:01 0 Views
Vamwe 8 vafa neCovid-19

Kwayedza

Vamwe 8 vafa neCovid-19

Munyori weKwayedza
Vanhu vawanikwa vaine chirwere cheCivid-19 mushure mekunge vavhenekwa nhasi bedzi i407 uye vamwe vasere vafa muzuva ranhasi.
Mashoko anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti vose vawanikwa vaine Covid-19 nhasi vanhu vagara vari muno uye vasina kumbobvira vabuda muZimbabwe.
Pavanhu vasere vafa nhasi, vatanhatu ndeve muHarare kuchiti vamwe vaviri ndeve kuMasvingo.
Pamwe chete, vanhu vawanikwa vaine Cobid-19 kubva payatanga kuonekwa muno mumwedzi waKurume gore rapera vava 14 491 uye vapona kubva kudenda iri vasvika 11363 kuchiti vamwe 377 vafa.
Zvichakadai, Hurumende nhasi yasimbaradza matanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi ndokudzokera kudanho re”lockdown” inoti munhu wose ambogara kumba kutanga izvozvi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>