Vamwe havasisiri kudzivirira Covid

16 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
Vamwe havasisiri  kudzivirira Covid Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Columbus Mabika

ZVISINEI nekuti Hurumende yakanyevenutsa mitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 nechinangwa chekuti zvinhu zvinge zvichiendeka, veruzhinji vari kuratidza kuti vabva vashaya hanya nekutevedzera matanho ekuzvidzivirira kudenda iri.

Nguva pfupi yadarika, Hurumende yakanyevenutsa matanho ekumisa kupararira kwechirwere ichi izvo zvakaona zvikoro zvichivhurwa svondo rapera.

Pari zvino chikamu chechina chedenda iri (fourth wave), icho chakakonzerwa neOmicron variant, chiri kuona kudzikira kwekupararira kweCovid-19.

Ongororo yakaitwa neKwayedza muguta reHarare inoratidza kuti veruzhinji vari kuvarairwa panyaya yekuzvidzivirira kudenda iri munzvimbo dzinosanganisira mumabhawa, restaurants nemuzvikoro.

Mabhawa nemanight club akawanda ari muguta guru iri ari kubvumidza vanhu vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kupinda uye pasina kushandiswa kwesanitizer, mamasiki anenge asina kupfekwa apowo vanwi vedoro vanenge vakaita chitsokotsoko zvakare.

Zvinotoshamisa kuona kuti vamwe vanenge vachinwa doro vari vana (4) asi vachinwira kubva mumukombe (mug) mumwe chete.

KuMbare Msika nekuMupedzanhamo, zviuru nezviuru zvevanhu vari kuonekwa vachitengesa, apo vose vatengesi nevatengi vanenge vasingashambidze mawoko, vasina kupfeka mamasiki uye vakaita chitsokotsoko.

Kunze kwaizvozvo, kumachechi akawanda akashanyirwa neKwayedza, vatendi vainge vakapfeka mamasiki vaitenderwa kupinda asi vasingaratidze umboo hwekuti vakabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 uye muchechi vanhu vachigara vasina kutarangana sezvinokurudzirwa.

Nerimwewo divi, muzvimwe zvikoro hamuzi kutevedzwa matanho akatarwa ekudzivirira Covid-19 sezvinodiwa pasi pemitemo yeStandard Operating Procedures (SOP) apo vadzidzi nevamwe vari kupinda pamagedhi vasingashambidzwe mawoko uyewo vamwe vasina kupfeka mamasiki.

Zvisinei, kumapazi akawanda eHurumende, mitemo yekudzivirira Covid-19 iri kutevedzwa nemazvo.

Zvichakadai, Mbuya Emilia Chitsiga (68) vekuMbare National vanoti kunyangwe zvazvo zvichifadza kuona kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri huri kudzikira, zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ose ekudzivirira chirwere ichi.

“Vanhu vanofanirwa kunzwisisa kuti kupfeka mamasiki kwakakosha kwete kuitira utano hwavo chete, asi hwevabereki vavo avo vakwegura pamwe chete nehwevana vemumhuri dzavo vasati vabaiwa nhomba,” vanodaro.

Hurumende iri kugara ichitaura kuti vanhu vane zvinovagozhera sezvirwere zvakasiyana uye nevasina kubaiwa nhomba ndivo vari panjodzi huru yekutapurirwa Covid-19 izvo zvinozoisa upenyu hwavo panyatwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>