Vamwe vava kuvarairwa

14 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Vamwe vava  kuvarairwa VaItai Rusike

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVISINEI nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 munyika muno, kuchine vakawanda vasiri kutevedza matanho akatarwa ayo anobatsira mukuderedza kupararira kwechirwere ichi.

Hurumende pamwe chete nesangano rezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) vanokurudzira kupfekwa kwemamasiki nemazvo akavhara muromo nemhuno kana munhu ari paruzhinji, kusaungana uye kugeza maoko nguva nenguva.

Imwezve nzira iri kukurudzirwa zvakanyanya pasi rose kubaiwa majekiseni kana kuti nhomba dzinodzivirira Covid-19.

Asi Kwayedza yamema munzvimbo dzakasiyana dzinogara veruzhinji sekuDomboshava, kuBudiriro, Glen Norah, kuChitungwiza, kwaSeke nekuHopley muHarare ndokuona kuti kune vanhu vakawanda vasiri kutevedza matanho aya uye vasina hanya nekuzvidzivirira kubva kudenda iri zvekare vachizengururira kunobaiwa nhomba dzeCovid-19.

Vamwe ndivo vari kuenda kumakereke vakawanda uye vasina kubaiwa majekiseni ose maviri sezvinokurudzirwa nemutemo wekurwisa chirwere ichi.

Mai Susan Murando vekuChitungwiza vanoti vanhu vakawanda havachatevedzera zvachose matanho aripo ekudzivirira Covid-19 sezvaiitwa pakutanga.

“Kwatinofamba uku tiri kuona vanhu vachipfeka mamasiki bedzi vachienda kumabasa kana kutenga zvinhu zvavo mumaguta nemadhorobha. Kupfeka mamasiki mumaraini matinogara kushoma zvekuti kunyangwewo mamwe mapurisa anofanira kunge achisunga vanhu, anetenge asinawo,” vanodaro Mai Murando.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaNorman Kaitano vekuMbare vachiti vamwe vanhu havapfeka mamasiki nemazvo vachinenera kupisa kwekunze.

“Ruzivo maringe nechirwere cheCovid-19 rwakatekeshera kumunhu wose, nekudaro vanowanikwa vasina kupfeka mamasiki kunenge kuri kungoshaya hanya kwavo. Tinoona zvekare vana vechikoro vakawanda vari kudzoka kuzvikoro vachikosora nekuti vanenge vakaungana ikoko zvekudarika huwandu hwakatarwa. Unotovaona vakaisa mamasiki muhuro uye vamwe vasitorina zvachose,” vanodaro.

Asi Mai Talent Sauti vekuGlen Norah vanoti mamasiki akakosha kupfeka kunyanya panguva ino zvichitevera kunyuka kwemhando itsva yehutachiona hweCovid-19 inozivikanwa nekuti Omicron.

“Mamasiki haapfekwi semucheno kana kuedza kufadza vakuru vedu kumabasa, asi kuti aripo kuchengetedza iwe sedungamunhu kuti udzivirirwe kuchirwere cheCovid-19. Zvinoda mushandirapamwe wemunhu wose kuti tirwise Covid-19 nekuti inodzorera kumashure budiriro yenyika sezvo maindasitiri haabudirire kana vashandi vachirwara,” vanodaro.

VaItai Rusike, avo vanova mukuru weCommunity Working Group on Health, vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho ekudzivirira Covid-19.

“Covid-19 haisati yaonekedzana nesu, saka kapfungwa kekuti zvapfuura ngakabude matiri tirambe tichitevedza matanho akatarwa nesangano reWorld Health Organisation sekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka, kurengedza kuungana, kubaiwa nhomba dzeCovid-19 nekupfeka mamasiki nemazvo,” vanodaro VaRusike.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zviri kuonekwa kuti vamwe vanhu vave kuvarairwa nekusapfeka mamasiki nemazvo izvo zvine njodzi huru apo nyika yave kurwisana nehutachiona hutsva hweOmicron uho huri nyore kupararira izvo zviri kukonzera kuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi, kurwara zvekupinda muchipatara kana kurasikirwa nehupenyu.

“Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vasabvisa mamasiki apo vanenge vabuda mudzimba dzavo vari pane veruzhinji pakaita semumabhazi, kumabasa, muzvitoro, pamichato, parufu, kumisika kana kuzvikoro uye vapote vachipfeka mamasiki aya nemazvo vakavhara mhuno nemuromo.”

Share This:

Sponsored Links