Uncategorized

Vamwene imi muri pfambi: muroora

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

‘Makaita vana nevarume vakasiyana’

Trymore Muvhawa

VAMWENE vakadunura mudare redzimhosva vachiti vari kuoneswa pfumvu nemuroora wavo achivati ipfambi yemakoko uye anogara achivatukirira nekuda kuvatema nedemo.

Rebbeca Mato akamhan’arira muroora wake, Emilda James, kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

Mato akaudza dare kuti: “Ndaoneswa pfumvu nemukadzi wemwana wangu uyu. Mufunge kuti anonditi ndiri pfambi nekuti ndakaita vana nevarume vakasiyana pamwe nekundituka zvimwe zvakawanda zvandisingakwanise kutaura muno mudare.

“Pamusoro pezvo, haadi kuti ndisvike pamba pangu, asi iye nemurume wake vachigara pamba pangu. Musi wandakasvikako akandibatira demo kuda kunditema.”

James akataurira dare kuti vamwene vake vanonyepa uye ndivo honzeri sezvo vachipindira munyaya dzake nemurume wake vachiti iye muroyi.

“Zvataurwa naamai manyepo uye zvimwe zvezvavari kutaura zvakaitika zuva rimwe chete bedzi, kwete kuti ndinogara ndichizviita. Musi wavari kutaura, ndakanetsana nemurume wangu ndokubva afonera amai ivava natete vakauya vari moto chaiwo kuda kundirwisa. Saka ini ndakatora demo senzira yekuzvidzivirira,” anodaro James.

Akaenderera mberi achiti, “Handina kubvira ndakavati muri pfambi asi ndakatovapa semuenzaniso kuti chinonzi pfambi ndiwo muitiro wavakaita ivo, wekuti vakasiya vatezvara vangu vari mumba vakaita mwana nemumwe murume ivo baba vasati vafa.

“Nyaya yandinoona yanyanya kunetsa pana amai ndeyekuti handina mwana nemwana wavo kubva achinditora 2005.

‘‘Asi kune murume wandakasiyana naye ndine vana saka ivo havasi kufara nekushaya muzukuru chete, kwete zvavari kureva,” akadaro James.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Mato gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links