Uncategorized

Vamwene munoroya: Muroora

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema

MUROORA ari kupomerwa kupumha vamwene vake huroyi achiti vakaenda kuMozambique netsoka semhiko yekuromba kwavo uye anovatuka zvinyadzi. Margie Banda akamhan’arira muroora wake, Vimbai Nyakusekwa, kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.“Ndapoterawo kuno kudare nekuti zviito zvemuroora wangu zvandikandisa mapfumo pasi. Anogara akangondidzvokora uye kundituka achinditi muri imbwa yemunhu, muroyi uye ndosaka makaenda kuMozambique netsoka iri mhiko yekuromba.

“Zvino ndauyawo kuno kuti ndipihwe dziviriro nekuti kuita kwemwana uyu kwave kutondikatyamadza zvikuru.

‘‘Ndinotomuona semwana wangu asi kuita kwake nemashoko aanonditaurira zvandikandisa mapfumo pasi,” akadaro Banda.

Akaenderera mberi achiti muroora wake anoti zvakare ndiye anokonzera kunetsana nemurume wake mumba mavo.

“Izvozvi handichisina chimiro kuvavakidzani vangu. Muroora wangu anoudza vanhu kuti ndini ndiri kukonzera kunetsana kwavo iye nemurume wake achiti ndine mishonga yandakanotora kuMozambique sekunge akambondiona ndichinotora mishonga kuMozambique,” akadaro Banda.

Nyakusekwa haana kupokana nechikumbiro chaamwene vake chegwaro redziviriro asi akaramba mashoko yavakataura pamusoro pake.

“Handipokane nechikumbiro chavo chekuti vadzivirirwe asi ndinopokana nemashoko avataura ndichiti inhema dzose.

“Ini handina kana zuva rimwe randinotukana navo asi ivo ndivo vanotori nepamuromo. Ndikaudza murume wangu – mwana wavo – kuti mwana wedu ave kuda chikafu ivo vanobva vati usatenge uye ukatenga unoita ngozi. Murume wangu nekutya ngozi anobva aregera kutenga chikafu chemwana oswera achindinetsa nenzara,” akadaro Nyakusekwa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Banda gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links