Uncategorized

Vamwene nemuroora tiba!

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
VAMWENE vakazosvika pakuendesa muroora wavo kudare nekuda kwekuti vanoti anogara achivafurufusha.

Shumirai Mafumbe akaendesa muroora wake Vongai Musenye kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvakanyanya.

“Mashura akadai, ekushungurudzwa nemuroora handisati ndakamboaona. Muroora andishungurudza zvekuti ndakaona zvekuuya kuno kudare zvichindibatsira.

“Changamire, mwana uyu ari kundishaisa mufaro pamba pangu sekunge ndiye akapavaka. Ndinogara kumusha asi pandinouya kumba kwangu muno muHarare, kunova ndiko kwaari kugara, anondishungurudza,” akadaro.

“Ndinoitwa muranda pamba pangu. Kana akazvifunga anondituka zvekuti ndinotoshaya kuti ndakamutadzirei. Ndinotomudawo semuroora wangu asi haadike. Chaanogona kundituka nekundiita semwana mudiki. Muroora wangu mukuru haatorinawo mufaro naye nekuti anorohwa. Mazuva apfuura aya akamutema nechidhina. Pamba pava kutotyisa kusvika nekuda kwake.”

Mafumbe akaenderera mberi achiti muroora wake haadi kutsiurwa paanenge atadza uye anozvikudza.

“Ini chandiri kuda ndechekuti abve pamba pangu otsvage kwekunoroja nekuti handingambotadziswa kufara nekuda kwake,” akadaro.

Achipawo divi rake, Musenge akati haana dambudziko navamwene vake asi kuti ivo havamufarire.

“Ishe wangu, vamwene vangu handina dambudziko navo asi kuti munhu asingangogutsikani nezvose zvandinoita. Kunyangwe ndikaita chinhu havatendi nekuti vanoti ndiri kuda kuparadza imba yemuroora wavo mukuru anova maiguru vangu. Haisi mhosva kuroorwa pachipari.

“Pavanouya kudhorobha ndikavati ndipei hembe dzenyu ndiwache havadi. Havadi kuti ndibate zvinhu zvavo. Chikafu chandinobika chaicho havadyi, vanotya kuti ndingavaisira muchetura,” akadaro.

Akati vamwene vake vanorwadziwa nekuda kwekuti mwana wavo akada zvechipari.

“Maonero angu amai vari kurwadziwa nekuti mwana wavo akada zvevakadzi vaviri. Zvino ini haisi mhosva yangu nekuti ndakatobvisirwawo mari sezvakangoitwa vahosi. Ivo samai vanofanirwa kutivaka asi havaiti saizvozvo, chavo kungondituka vachiti ndiri pfambi, ndiri kuda kuparadza imba yemwana wavo,” akadaro Musenge.

Mutongi Trevor Nyatsanza akarasa chikumbiro chaMafumbe akati vaviri ava vagarisane zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links