Vana 2 vekutsakatika havasati vawanikwa

01 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
Vana 2 vekutsakatika havasati vawanikwa Samantha Manyewere Hove

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANA vechikoro vaviri vakatsakatika nguva yadarika – wekuRuwa newekuRunyararo West, kuMasvingo – vanonzi havasati vawanikwa apo mapurisa ari kufambira mberi nekuferefeta nyaya idzi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti Samantha Manyewere Hove (15), uyo aiita Form 1 kuMasvingo uye akangoshaika achibva kuchikoro nemusi wa9 Kurume gore rino, haasati awanikwa kusvika nanhasi.

Vanotiwo Abigail Marecano (12) aiita Grade 7 pachikoro cheTashinga Primary kuMabvuku, muHarare, uye anonziwo akashaika nemusi 14 Kurume 2021, haasati awanikwa zvekare.

Abigail Marecano

“Tine vana vechikoro vaviri vakashaika nguva dzakasiyana kuRuwa nekuRunyararo West. Mapurisa ari kufambira mberi nekuferefeta kutsvaga kuti chii chaicho chakaitika kuvana ava uyewo tichikumbira kune vanoziva zvakaitika kuti vatibatsire chokwadi chibude pachena,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Asst Comm Nyathi

Mai Edith Hove, avo vanova muroora waSamantha Manyewere Hove, vanoti musikana uyu akaenda kuMasvingo achibva kuMberengwa uko akasvikotanga chikoro pakoreji yakazvimirira apo akazoshaika achibva kuchikoro.

VaAleck Marecano (43), baba vaAbigail Marecano, vanotiwo mwana wavo aibva kumba kwavo kuSolomio, kuRuwa, achienda kumba kwaambuya vake kuMabvuku apo anonzi akakwira motokari kuRuwa pachiteshi chinozivikanwa nekunzi Mutoko akabva ashaikwa zvachose.

Alec Marecano

Kune vanoda kubatsira nemashoko ane chekuita naAbigail Marecano vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 026 674 kana 0712 723 285.

Vanoda kubatsira mukutsvagwa kwaSamantha Manyewere Hove vanoridza nhare dzinotiwo 0777 100 491, 0774 391 713, kana 0772 278 757.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>