Uncategorized

Vana 4 vakaremara vobatsirwa

15 Aug, 2021 - 13:08 0 Views
Vana 4 vakaremara vobatsirwa Mai Shylet Mahela vakamira nevana vavo vakaremara vari pamusha pavo kwaNyajena, kuMasvingo.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekwaNjajena, kuZaka – uyo ane vana vana (4) vakaremara uye vanorwara nepfungwa wekubuda muKwayedza nguva yadarika achitaura nezvedambudziko rake rekushaya chikafu nezvekupfeka – akawana rubatsiro kubva kune vaimbove mumiriri weChivi South mudare reNational Assembly, VaKiller Zivhu.

Vachitaura neKwayedza panhare, VaZivhu vanoti vakanzwa kusundwa pamwoyo pavo kuti vabatsire Mai Shylet Mahela pamwe nemhuri yavo zvichitevera kuverenga kwavakaita nezvedambudziko ravo.

“Kubva mugore ra1995, ndakanga ndichingoita mabasa ekubatsira. Saka mushure mekuverenga Kwayedza ndikadzidza nezvedambudziko remhuri iyi, ndakaona kuti vari kuremerwa zvikuru nekuti vana ivavo vanozviitira tsvina uye vanorwara nenjere zvekuti kana pane ipi zvayo nguva vanogona kupoya vachienda kunzvimbo dzine njodzi kana kurasika.

“Saka tichadzokera zvekare nevakomana vandinoshanda navo tichinovaisira fenzi negedhi rinokiiwa kuitira kuti vana vatambe vari muchivanze ivo amai vachiita mabasa avo vachivaona pane kuti vavasungirirwe pamiti sezviri kuitika. Takavaendesera chikafu, mapamper nezvimwe kuti vabatsirike,” vanodaro.

Mai Mahela vanotenda rubatsiro rwavari kuwaniswa nevemwoyochena.
“Ndinokutendai veKwayedza nekuburitsa dambudziko rangu nevana. Vana ava ndinovagamuchira sezvavari nekuti chipo chandakapihwa naMwari, handingavarasi.

“Baba varipo pamusha asi havashandi, tinopona nekurima saka ndinotenda kune vose vari kutambanudza maoko kuti Mwari vawedzere pakatapudzwa. Kune vakawanda vari kufona vachivimbisa kuzobatsira.
“VaKiller Zivhu vakabva kuno nguva pfupi yadarika vakatisiira chikafu, magumbeze nembatya uye vakati vachadzoka kuzoisa fenzi. Kune vamwe vari kuenda vachinosiya mbatya nechikafu kumba kwehanzvadzi yangu kuMorgenster Teacher’s College saka tichatonozvitora,” vanodaro.

Vamwe vakabatsira vanosanganisira veJakata Mining.

Mai Mahela vanoti murume wavo, VaDavid Mutekede, vari kutoomerwawo kuriritira mhuri.
Vangada kubatsira mudzimai uyu vanomubata panhamba dzinoti 0776 837 255.

“Vana vangu vakaremara vanoti Sakina Matendeke uyo wandakabereka mugore ra1985, Ngonidzashe wa1987, Lorcadia (1990) kuchizoti mukomana Edwin wa1990. Dambudziko guru nderechikafu, mbatya, midziyo yekushandisa panguva yekutevera nemagumbeze semuchando muno uye mapamper kana kuti diapers sezvo vachizviitira tsvina,” vanodaro.

Mai Mahela vanoti vana vavo vose havana kuwana mukana wekuenda kuchikoro sezvinoita vamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>