Uncategorized

Vana vanombosungirirwa pamuti

29 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Vana vanombosungirirwa pamuti Mai Shylet Mahela vakamira nevana vavo vakaremara vari pamusha pavo kwaNyajena, kuMasvingo.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuMkosi Ressetlement kuVillage 15 iri kwaNyajena, kuMasvingo – uyo akabara vana vana (4) vose vakaremara – ari kutsvaga rubatsiro rwechikafu, kuvarapisa uye nezvekupfeka.
Dzimwe nguva vana ava vanombogara vakasungirirwa netambo pamiti kuitira kuti vasaverere vachienda kwavasingazokwanisa kudzoka.

Kwayedza inokurukura naMai Shylet Mahela avo vanodurura nhunha dzavo.

“Ndine vanasikana vatatu nemukomana mumwe chete vose ndakavabara vaine dambudziko renjere uye vakaremara mimwe mitezo yemuviri yavo. Handina kana basa randiri kukwanisa kuita pamusha kana kuti ndiite zvemagadheni chaiwo nekuti vana ava vanenge vachida kutariswa nguva nenguva nekuti vakangofanana nepwere zvisinei nekuti vayaruka,” vanodaro.

Mai Mahela vanoenderera mberi vachiti, “Mukomana ndiye anonyanya kutambudzwa nenjere zvekuti anotokanganwa kana paanenge ari saka mikana yekurasika inowanda nokudaro pamwe pacho ndinotovasungirira pamiti kuti ndikwanise kudiridzira gadheni.

“Kudai ndaiwaniswawo fenzi inokomberedza musha wangu ndinovimba kuti ndaikwanisa kuita mamwe mabasa ivo vachingotenderera vari mukati,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vakambouya vachivatapa nhau mumakore apfuura asi hapana rubatsiro rwavakawana sezvo vakanga vasina nhare panguva iyoyo uye masaisai anonetsa kunzvimbo kwavanogara.

Vangada mubatsira mudzimai uyu vanomubata panhamba dzinoti 0776 837 255.
Mai Mahela vanoti murume wavo, VaDavid Mutekede, haashande zvinoita kuti vaomerwe neupenyu zvakanyanya.

“Vana vangu vakaremara vanoti Sakina Matendeke uyo wandakabereka mugore ra1985, Ngonidzashe muna1987, Lorcadia (1990) kuchizoti mukomana Edwin wa1990. Dambudziko guru pari zvino nderechikafu, mbatya, midziyo yekushandisa panguva yekutevera, magumbeze nekuti semuchando muno uye mapamper kana kuti diapers sezvo vachizviitira tsvina.

“Kunyangwe mvura yekushandisa kudai ndachererwawo chibhorani muchivanze kuti zviite nyore,” vanodaro.
Mai Mahela vanoti vana vavo vese havana kuwana mikana yekuenda kuchikoro sezvinoita vamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>