Uncategorized

Vana vechikoro vomitiswa nemakorokoza

21 Mar, 2022 - 17:03 0 Views
Vana vechikoro vomitiswa nemakorokoza

Kwayedza

Nqobile Tshili

MAKOROKOZA ari kuita basa rekuchera goridhe kuNtabazinduna, kuUmguza mudunhu reMatabeleland North anonzi ari kuitisa pamuviri vanasikana vachiri kuenda kuchikoro izvo zviri kuita kuti vasiyire dzidzo yavo panzira.

Chimwe chikoro cheko chinonzi chine vana 30 vakarega kuuya pakavhurwa zvikoro.

Muhurukuro yakaitwa neNAC apo yaifamba nevatori venhau kuNtabazinduna, makorokoza akataurwa nawo anoti vabereki vanofanira kusimbaradza nzira dzekuchengetedza vanasikana vavo zvakanaka pane kupa ivo mhosva.

Makorokoza anoti haasi kubata vanasikana ava chibharo asi kuti vazhinji vavo vanodanana navo zvinotozivikanwa nevabereki vavo avo vanotambira mari nezvimwe zvinhu zvavanovapa.

Vachitaura nemakorokoza, District Coordinator weNAC kuUmguza – Mai Sarah Hove – vanoti pane dambudziko rekuti makorokoza ari kumitisa vanasikana vachiri kuenda kuchikoro.

Vanoti izvi zviri kukonzera zvakare kuti vatapurirwe zvirwere zvepabonde sezvo vazhinji vavo vasingakwanise kuita sarudzo yekushandisa makondomu pakuita bonde.

“Nhumbu kuvana dziri kuwanda uye zvave kukanganisa magariro evanhu munharaunda nekuti zvinokonzeresa zvirwere zvepabonde. Zvirwere zvepabonde izvi zvinoita kuti huwandu hwevanhu vane HIV huwedzere, kunyanya kuvasikana nemadzimai echidiki,” vanodaro Mai Hove.

“Gore rakapera munaGunyana pakavhurwa zvikoro, pachikoro cheNhlambabaloyi Secondary School vana vasikana vanosvika 30 vakaitiswa pamuviri. Munoona kuti pane dambudziko pachikoro ichi.”

Vanoti NAC ine chirongwa chairi kuita pari zvino cheSister to Sister icho chinobatsira pakudzidzisa nezveutano hwepabonde nekodzero dzeutano.

Zvisinei, makorokoza aya anoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa panyaya yekumitiswa kwevasikana vasati vayaruka.
Kunyangwe vasiri kuramba kuti vari kuenda pabonde nevana, makorokoza anoti vanasikana ndivo vanouya kwavari.

Mumwe wemakorokoza aya, VaBoardington Maphosa, vanoti vana vari kupihwa pamuviri nekuda kwemari.

“Vana ava pavanoita pamuviri havasi kumanikidzwa kuenda pabonde. Ndivo vanouya kwatiri nekuti vanoda tunonaka. Vakauya kwandiri ndongovapa dhora topedzisira taita bonde.

“Sezvo vanenge vachiti tiri murudo, vanopedzisira vabata pamuviri. Kuda mari netunonaka ndizvo zviri kukanganisa vana ava,” vanodaro VaMaphosa.

Mashoko avo anotsinhirwa nemumwe mukorokoza, Musawenkosi Tshuma, achiti “Vabereki vanofanira kuraira nekutsiura vana vavo zvekuti chero patinotaura navo tinoona kuti vakarairwa. Senharaunda, ndoona sekuti zvakakosha kuti mutange kuraira vana venyu mozouya kwatiri muchitiudza kuti makambovaraira pamusoro pezvekubata pamuviri.”

Anoti vabereki vanochema-chema kana vanasikana vavo vabata pamuviri asi vachigamuchira zvavanouya nazvo kudzimba vachiziva kuti havaende kumabasa.

Mai Hove vanoti vane hurombo kuti chirongwa cheSister to Sister chakamiswa muzvikoro uye chave kuitwa munharanda  chete.

Asi vanoti zvichitevera hurukuro yakavakaita nemakorokoza, vanoshuvira kuti chirongwa ichi chitange kuitwa zvakare muzvikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>