Uncategorized

Vana vobatsirwa kudzivirira Covid

21 Sep, 2020 - 22:09 0 Views
Vana vobatsirwa  kudzivirira Covid Midziyo yakapihwa kuvana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reKidzCan rakabatsira vana vanotambudzwa nechirwere chegomarara pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals nezvinhu zvekudzivirira kutapurirwa chirwere cheCovid-19, chikafu nezvimwe zvinokosha US$10 000.

Zvinhu izvi zvinosanganisira masanitizer, mishonga yekugeza muzvimbuzi uye chikafu.

Chamangwiza wesangano iri, VaDaniel Mackenzie vanoti rubatsiro urwu rwucharerutsira vana vane gomarara pakudzivirirwa kuchirwere cheCovid-19.

“Mwedzi waGunyana wakakosha zvikuru kwatiri sezvo iri iyo nguva yatinopa chenjedzo maringe nezvirwere zvegomarara nekuti kunyangwe munguva ino apo nyika iri kutambudzwa neCovid-19, hazvirevi kuti ndiko kupera kwezvirwere zvegomarara asi kuti zvinoramba zviriko. Nokudaro anenge ava matambudziko maviri anoda kurwiswa.

“Varwere vegomarara vari nyore zvikuru kubatwa neCovid-19 nekuti miviri yavo inenge isina kunyatsosimba. Saka zvakakosha kuvachengetedza kuzvirwere zvose. Tinoda kuti muzvipatara zvavanorapirwa mugare makatsvinda,” vanodaro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vacherechedze vana vavo kana vaine zviratidzo zvegomarara kuitira kuti vakurumidze kurapwa nenguva.

“Chirwere chegomarara chinokwanisa kurapwa bedzi kana chichinge chakurumidza kuvhenekwa. Tinoda kuti nzvimbo dzose dzinopinda nevanhu kumawadhi evana dzive nemishonga yekudzivirira Covid-19,” vanodaro.

VaMackenzie vanoti hakuna mwana anofanirwa kurasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere chegomarara asi matambudziko mazhinji anotouya nekuda kwekuti vanenge vanonokerwa kuwanirwa mishonga kana kurapwa.

“Vana vazhinji vanozounzwa kuzvipatara gomarara rakomba, risisarapike uye vatorasikirwa nemimwe mitezo yemiviri. Tine zvirongwa zvatinoita apo tinoparidza mashoko pamusoro pezviratidzo zvegomarara kuti veruzhinji vawane ruzivo,” vanodaro.

Vachitenda rubatsiro urwu, Mai Linos Dhire avo vanova mukushi wemashoko pachipatara ichi, vanoti vachashandisa rubatsiro urwu nemazvo.

“Rubatsiro urwu rwauya panguva yakafanira apo zvipatara zvizhinji zviri kunetseka kuwana zvekushandisa. Nokudaro vana vedu vari kutambudzwa negomarara vachabatsirikana zvikuru,” vanodaro.

Rwumwe rwerubatsiro urwu rwuchaendeswa kuchipatara cheMpilo Hospital, kuBulawayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>