Vana vodzivirirwa mhetamakumbo

06 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Vana vodzivirirwa mhetamakumbo Kudonhedzerwa mushonga wekudzivirira Polio

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVICHITEVERA kunyuka kwechirwere chemhetamakumbo kune dzimwe nyika dzinosanganisira Malawi neMozambique, bazi rezveutano nekurerwa kwevana richatangisa chirongwa chekubaya nhomba dzekudzivirira chirwere ichi munyika muno kuvana vose vane makore ari pasi pemashanu okuberekwa.

Hurumende ichatanga chirongwa ichi kubva musi wa27 Gumiguru kusvika 30 Gumuguru muchikamu chekutanga.

Chikamu chepiri chekubaya nhomba dzerudzi urwu chichaitwa kubva nemusi wa1 Zvita kusvika 4 Zvita.

Hurumende iri kubata pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) nevamwe vatsigiri uye vari mushishi kuunganidza zvekushandisa nekufambisa mashoko kune veruzhinji mumaguta nekumaruwa maringe nekukosha kwekudzivirira vana kubva kuzvirwere zvinouraya semhetamakumbo negwirikwiti.

Zimbabwe haisati yaita kana nyaya imwe chete yechirwere chemhetamakumbo kubvira mugore ra1989 apo chakapedzisira kunzwika nezvacho uye yakatopihwa magwaro ekusava nechirwere ichi mugore ra2005 (Polio Free Certification) zvichireva kuti nyika ino yakabudirira pakuchipedza.

Nyanzvi dzezveutano dzinoti chirwere chemhetamakumbo chinotapurirwana nekudaro pane mikana mikuru yekuti chinge chichipinda munyika muno zvichitevera kushanya kunoita vanhu kunze kwenyika dzinacho uyewo nevamwe vanobva kunyika idzi vachipinda muno.

Mai Colline Koline Chigodo

“Chirwere chemhetamakumbo chinokonzerwa nekubata tsvina yemunhu anacho, munhu wozodya chikafu pasina kushambidza mawoko uye nyaya idzi dziri nyore kuvana.

“Vana vachabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi vanosanganisira vaya vakambobaiwa kare uye vasati vambobaiwa zvachose. Donzvo guru nderekuchengetedza upenyu sezvo chirwere ichi chichiuraya pamwe nekuremadza makumbo achisara akaondoroka, akapetetana uye kuomarara kwemabhonzo,” vanodaro Mai Colline Koline Chigodo vanova national expanded programme on immunization manager kubazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Vanoti mwana ane chirwere ichi kana akakurumidza kuendeswa kuchipatara kunorapwa, anokwanisa kupora asi kana akanonokerwa anoremera.

“Zvirwere zvose zvinodziviririka nekubaiwa nhomba uye kubvira mugore ra1817 vanhu vaingobaiwa nhomba dzekudzivirira zvirwere zvakasiyana, kusanganisira dzihwamupengo raibata vanhu panguva iyoyo. Nhomba hadzina huturu hunokanganisa utano hwevanhu nekuti munyika muno tine masangano anotanga aita ongororo pamishonga yose inogadzirwa muno neinobva kune dzimwe nyika kuti yakakodzera kushandiswa mukurapa vanhu here.

“Tine masangano akadai seMedicines Control Authority of Zimbabwe, Standard Association of Zimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana uye sangano reWHO nekuti vose ava varipo pakuchengetedza upenyu hwevanhu. Nekudaro vabereki havafanire kutya kuti vana vadzivirirwe,” vanodaro.

Mai Chigodo vanoenderera mberi vachiti: “Tichange tichipinda munzvimbo dzose dziri kure nezvipatara, mumaguta nemadhorobha nekuti donzvo redu nderekuona kuti mwana wose ari pasi pemakore mashanu adzivirirwa uye hakuna mwana anofanira kufa nekuda kwezvirwere zvinodzivirika.”

Rumbidzayi Chimukangara

Mai Rumbidzai Chimukangara vanova health promotion manager kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoti kana veruzhinji vakawaniswa mashoko echokwadi nenzira kwayo, vanoagamuchira nekuatevedza zvichibatsira mukuderedza matenda anonyuka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>