Vana vodzivirirwa polio

25 Oct, 2022 - 12:10 0 Views
Vana vodzivirirwa polio

Kwayedza

Diana Nherera

KANZURU yeHarare iri kukurudzira vagari veguta iri kuti vatore mukana wechirongwa cheNational Polio Supplementary Immunization icho chinotanga neChina svondo rino kudzivirira vana vavo vane mwedzi 0 kusvika 59 yekuberekwa kubva kuchirwere chemhetamakumbo.

Dr Michael Vere, vanove mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mukanzuru iyi, vanoti chirongwa chekudzivirira polio chinotevera kunyuka kwechirwere chemhetamakumbo ichi kunyika mbiri dziri pedyo neZimbabwe dzinoti Mozambique neMalawi.

“Saka nekuda kwekuva pedyo kwenyika idzi kwatiri, kune njodzi yekutapurirana hutachiona.

“Ichi ndicho chikonzero senyika tatora nzira iyi yekudzivirira vana nekuti kusvika pari zvino hatisati tava kana nenyaya imwe chete yechirwere ichi muZimbabwe saka tinofanira kuchidzivirira.” vanodaro.

Dr Vere vanoti chirongwa chenhomba, icho chiri kuitwa kusvika nemusi wa30 Gumiguru, chakanangana nekudzivirira vana vanosvika chikamu che95 vemazera aya muHarare.

Mishonga yekudzivirira vana kuchirwere ichi ichange ari mumakiriniki ose emuguta reHarare nenzvimbo dzakapoteredza.

“Saka tichange tiine zvikwata zveveutano vanofamba kunharunda dzakasiyana (mobile clinics) kunzvimbo dzine vanhu vezera iroro,” vanodaro Dr Vere.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>