Uncategorized

Vana vomitiswa vari kuwanda

24 Aug, 2021 - 15:08 0 Views
Vana vomitiswa  vari kuwanda

Kwayedza

Nqobile Tshili

HUWANDU hwevanasikana vari kusiira chikoro panzira panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 hwakwira zvisinei nekuti pane mutemo unovatendera kuenderera mberi nedzidzo mushure mekuita pamuviri.

Mutemo weEducation Act, uyo wakavandudzwa gore rapera, hautendere kuti mwanasikana anenge apihwa pamuviri adzingwe chikoro.

Kuvharwa kwezvikoro kwenguva yakareba nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kwawedzera dambudziko revanasikana vari kumitiswa.

Gwaro reParamende riri pamusoro pezvinangwa zvebudiriro zvinoendeka zveSustainable Development Goals (SDGs) maringe nedzidzo nenyaya dzeutano muzvikoro – iro rakaturwa mudare reSenate svondo rapera – rinoratidza kuti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda nesimba kuti mwana wose awane mukana wekudzidza.

Mugwaro iri, Senator Tsitsi Muzenda vanoti komiti yavo yakaona kuti kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwadzosera kumashure nyaya dzedzidzo uyewo pave nekuwanda kwevanasikana vari kupihwa pamuviri.

“Vadzidzi vechidiki vanokwanisa kuita pamuviri zviri nyore mazuva avo ekufunda nekuda kwehurombo uye kufuririka kuburikidza nezvinotaurwa nevamwe vavo. Izvi zvabva zvanyanya kukonzerwa nekuvharwa kwezvikoro kwenguva refu apo vakuru vezvikoro vakaona kuwanda kwenyaya dzerudzi urwu muna2020,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kunyangwe zvazvo Hurumende yakadzika mutemo unotendera vanasikana vanenge vamitiswa kuti vaenderere mberi nechikoro, vamwe vacho vanonyara kuti varambe vachidzidza. Dambudziko iri rakakanganisa zvikuru zvikoro zvose zvatakashanyira.

“PaMangondo Secondary School kuBikita, chikamu che60 percent chevanasikana vakasiira chikoro panzira ndecheavo vakange vapihwa pamuviri. PaMaqhekeni Secondary School kuBulilima, vanasikana 13 vakamitiswa panguva yelockdown uye vaviri vavo chete ndivo vakakwanisa kuenderera mberi nedzidzo yavo.

“PaMadlambudzi High School iri kuPlumtree, pane nyaya nhanhatu dzevanasikana vanonzi vakasiira chikoro panzira mushure mekunge vapihwa pamuviri. Vakuru vezvikoro vakataurwa navo vanoti lockdown, iyo yakakonzerwa nechirwere cheCovid-19, yakaita kuti vana vashaye zvekuita zvikakonzera kuwanda kwenyaya dzevanasikana vakamitiswa.”

Sen Muzenda vanoti komiti yavo yakaona zvakare kuti pane vana vakawanda vakaregera chikoro nekuda kwedambudziko rekushaya mari dzechikoro.

Vanoti kune dzimwe nzvimbo dzenyika kusingakosheswe nyaya dzedzidzo izvo zviri kuwedzerawo huwandu hwevana vari kusiira chikoro panzira.

“Dambudziko iri rakanyanya kutarisana nezvikoro zviri munzvimbo dzine chicherwa chegoridhe nezviri pedyo nemiganhu yenyika seTsholotsho High School, Maqhekeni Secondary School neMadlambudzi High School. Vanhu vakawanda vekunzvimbo idzi vanoita basa rekutyaira motokari vachienda kunze uye vanorarama zvine mutsigo zvisinei nekuti havana kudzidza kana kuti vane fundo shoma.

“Vadzidzi vanovaona vanoshuwira kuita upenyu hwakafanana nehwavo vobva vasiira chikoro panzira. Vakuru vezvikoro vakataurwa navo vanoti vamwe vadzidzi vari kuregera chikoro vobva vaende kunyika dzinosanganisira South Africa neBotswana,” vanodaro.

Sen Muzenda vanoti kune mamwe matunhu anosanganisira Matabeleland, vana vari kufamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro izvo zviri kukonzera zvakare kuti vamwe vavo vazosiira chikoro panzira sezvo vamwe vachifamba makiromita ari pakati pe15 ne20 kusvika pachikoro chiri pedyo navo.

“Vadzidzi vari kubva kudzimba dzavo rungwanana nenguva dza4am kuenda kuchikoro uye vachizodzoka kudzimba na7pm. Iri idambudziko zvikuru munguva yechando neyekunaya kwemvura.”

Sen Muzenda vanoti komiti yavo yakaona kuti zvakakosha kuti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rivhare mukaha uripo pakati pevadzidzi vemumadhorobha nevekumaruwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>