Uncategorized

Vana vopera kuroodzwa

24 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vana vopera kuroodzwa Dr Kanem

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIRWERE cheCovid-19 pasi rose chakanganisa zvirongwa zvine chekuita nekupedza dambudziko rekuroodzwa kwevana uye sangano reUnited Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs (OCHA) rinoti pane mikana yekuwanda kwenyaya idzi kusvika pa13 miriyoni pakati pemakore 2020 na2030.

Zimbabwe inonzi iri pakati penyika 20 dzemuAfrica dzine nyaya dzakawanda dzekuroodzwa kwevana.

Sangano iri rinoti riri kushushikana zvekare nekuwanda kuri kuita nyaya dzemhirizhonga kumadzimai nekuvarume munguva ino yeCovid-19.

Nyaya idzi dzinonzi dzakawedzera nechikamu che70 percent pakati pemwedzi waKurume naChikumi gore rino.

Kumbunyikidzwa kwakanyanya kuri maringe nenzira yepabonde zvichikonzerwawo nenzara nehurombo.

“Pane mikana yekuwanda kwenyaya dzekuroodzwa kwevanasikana pasi rose kusvika pa13 miriyoni pakati pegore ra2020 na2030,” rinodaro sangano iri.

Ongororo yakaitwa neOCHA inoratidza kuti chikamu che90 percent chemhirizhonga dziri kuitika pakati pevanhu vari murudo apo 38 percent dziri dzekushungurudzwa kwepanyama nemupfungwa, 38 percent zvakare dziri dzekushungurudzana panyaya dzeupfumi kana kusagoverana pfuma yemhuri nenzira kwadzo kwozoti 19 percent ndedze mhirizhonga yepabonde.

Chikamu che94 percent chemhirizhonga dziri kuitwa kumadzimai nevana zvinova zvinokanganisa raramo yavo.

Zvakaonekwawo kuti madzimai ari kusangana nemhirizhonga panguva iyo vanenge vachitsvaga zvekufambisa mumaguta nekumaruwa, vachida mari yekuti vanotenga mishonga semaAnti-Retroviral Drugs.

Ukuwo, sangano reMusasa Project rinoti rakatambira nhare dzinosvika 2 768 dziri maringe nenyaya dzemhirizhonga kubva nemusi wa30 Kukadzi kusvika 13 Chikumi gore rino hunova huwandu hwakawedzera nechikamu che70 percent kana zvichienzaniswa nenguva imwe chete gore rapera.

Nerimwewo divi, sangano reWomen’s Coalition in Zimbabwe (Wcoz) rinoti Hurumende iri kutsigira zvikuru mukurwiswa kwenyaya dzemhirizhonga.

Wcoz inokurudzira kuti vose vanenge vaparirwa mhosva dzerudzi urwu vamhan’are kumapurisa nekukasika.

UNFPA nevamwe vatsigiri vanotiwo nyaya dzemhirizhonga nedzimwe tsika dzinokanganisa magariro evanhu dzinofanira kutariswa nechimbi-chimbi panguva iyo mamiriyoni evanasikana pasi rose vari kushungurudzwa panyama nemupfungwa nehama dzepedyo.

Izvi zvakabuda paongororo ichangobva kuitwa iri maererano nehuwandu hwevanhu pasi rose (State of World Population 2020) iyo yakaparurwa nesangano iri.

Ongororo iyi inoratidza kuti pasi rose, kusanganisira Zimbabwe, vanasikana zviuru nezviuru vari kukundikana kubatsirwa munyaya dzeutano nekodzero zvichitevera kuwanda kwemhirizhonga.

“Kune dzimwe tsika dzinosvika 19 dzechivanhu idzo dzine mhirizhonga kuvanasikana nemadzimai dzinosanganisira kuayinwa kana kuchiswa kwemazamu, kuvheneka umhandara, kuchekwa kwesikarudzi (female genital mutilation), kuroodzwa kwevana nekukosheswa kwevanakomana kana vachienzaniswa nevanasikana, pakati pezvimwe.

“Tsika idzi dzakaipisisa zvikuru nekuti dzinokonzera kushungurudzwa kwevana mupfungwa nepanyama zvichiita kuti vakundikane kubudirira,” vanodaro Dr Natali Kanem avo vanova executive director weUNFPA.

MuZimbabwe, gwaro reZimbabwe Demographic Health Survey (ZDHS) richangobva kuburitswa rinotsinhira kuti nyaya dzemhirizhonga kumadzimai dzakawanda zvisinei nenzvimbo dzavanogara, upfumi kana dzidzo.

Chikamu che35 percent chemadzimai nevanasikana vane makore 15 kusvika 49 ekuberekwa vakatombosangana nemhirizhonga muupenyu hwavo.

Panguva imwe cheteyo, Zimbabwe iri pakati penyika 20 dziri muAfrica dzine nyaya dzakawanda dzekuroodzwa kwevana.

Ongororo yakaitwa mugwaro reMIcs 2019 inoratidza kuti mudzimai mumwe chete pakati pevatatu (34 percent) vane makore anobvira pa20 kusvika 24 ekuberekwa vakaroorwa vari pasi pemakore 18 okuzvarwa.

Zvisinei nekuti nyaya dzemhirizhonga idambudziko guru munyika, kune mitemo yakawanda inobatsira mukuchengetedzwa kwevanhu se2006 Domestic Violence Act.

Share This:

Sponsored Links