Uncategorized

Vanababa musadaro!

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapera bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya inokatyamadza zvikuru — nyaya iri pamusoro pemudzimai wekuMbare, muHarare, uyo anonzi akaita chipo chegore rose achinyepera murume wake waanogara naye kuti mwana waainge asununguka mukomana asi iye ari musikana.

Mudzimai uyu anoti paaiva nepamuviri, murume wake akagara amuyambira kuti akasaita mwana mukomana, pake papera – kungobara mwana musikana bedzi, obva atuta twake, muchato watopera.

Nekudaro mudzimai uyu paakazosununguka mwana musikana kuchipatara cheHarare Central Hospital, nekutya kurambwa nemurume, akabva anyepa kumurume wake kuti abara mukomana.

Murume anonzi akabva anyenzeuka nyenzeuka nemufaro achiti “nzinza rake rakura” nekuva nemwanakomana.

Ndiye akazviparira oga! Chinoshamisa ndechekuti mudzimai uyu akakwanisa kunyengedza murume wake kwenguva inoda kukwana gore, murume uyu achitozvibvuma apo vanogara vose.

Kana kumbonyumwawo! Zvinoreva here kuti murume uyu haana kumbowana mukana wekuongorora mwana uyu kwenguva yose iyi? Gore dhu “bambo” vachingoti mwana wavagere naye mumba mukomana iye ari musikana? Kana idzo hama dzemurume uyu dzinosanganisira hanzvadzi dzake, chokwadi dzingapedze gore dzisingazive kuti mwana uyu musikana?

Hongu, kunyeperana kana kuti kunyengedzana muwanano hazvikurudzirwe uye mudzimai uyu akatadza asi zvose izvi zvakakonzerwa nemurume wake uyo aive avimbisa kuzomudzinga kana achinge angobara mwana musikana chete.

Murume uyu anoreva here kuti mwana musikana haakoshe pane mukomana? Mukore uno kuchine munhu muZimbabwe ane pfungwa dzakasarira zvakadaro? Tikwanirei apa mhani!  Nechinangwa chekuchengetedza imba yake, mudzimai uyu akaona zvakakodzera kunyepera murume wake uye nekuvigiridza kuti asazive kuti mwana uyu musikana. Ehe, ndiye murume uyu akazvitsvaga. Pamwe anotova nerombo rakanaka, mukadzi uyu angadai akamuunzira mwana wekuba. Mwana chipo chinobva kunaMwari uye vakuru vanoti chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.

Zvakaitwa nemurume uyu akatadza nekuti vana vakafanana zvisinei nekuti mukomana kana kuti musikana.

Maitiro akadai ndiwo anokonzera kuti mamwe madzimai apedzisire ave kuita gumbo mumba gumbo kunze nekuti vanenge vachishungurudzwa nemurume vachinzi ndinoda mwana mukomana kana kuti musikana.

Mwana uyu anonzi ane makadhi ekuchipatara ekuzvarwa maviri – reruvara rwepink rinopihwa vana vasikana nereblue revana vakomana.

Asi mukadzi uyu haasi kutaura kuti magwaro akasiyana aya akaawana kupi uye sei. Kune vamwe vanhu vari muwanano vari kutsvaga vana nemeso matsvuku, zvisinei kuti musikana kana kuti mukomana.

Vamwe vanhukadzi vari kudyiswa zvinoera apo vanenge vachiuchikwa senzira yekuti vakwanise kuita mwana asi ndipo poonzwa vamwe vachitodada kuti handidi mwana musikana ndinoda mukomana. Izvi zvinonyadzisa. Vana vose vakaenzana zvisinei kuti mukomana kana kuti musikana uye vose vanokwanisa kusimudzira dzinza.

Zvinotoshamisa kunzwa kuti kune vamwe varume vane pfungwa dzichakasarira sezvakaita wekuMbare uyu akazosvika pakubviswa chiri kumeso nemudzimai achinyeperwa kuti mwana mukomana iye asiri.

Ava baba vakagadzirirwa “size”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>