Uncategorized

Vanasikana vapera kumitiswa: Mambo

14 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Vanasikana vapera  kumitiswa: Mambo Mambo Nyamweda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Nyamweda vekuMhondoro vanoti vari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanasikana vechikoro vari kutizira kuvarume mudunhu ravo panguva iyo nyika yakatarisana nekurwisa Covid-19.

VaClaudious Mandaza — avo vanova Mambo Nyamweda — vanoti inyaya inosuwisa zvikuru kuti vanasikana vanofanirwa kunge vachienderera mberi nedzidzo vave kunotanga dzimba.

“Mudunhu rangu ndinonzwa kuti vanasikana vane chitsama vakatizira kuvarume panguva ino apo zvikoro zvange zvakavharwa nekuda kwe“lockdown” kubva mumwedzi waKurume kusvika zvino. Vamwe vevanasikana ava vanonzi vari kutizira vabata pamiviri.

“Mhosva ndinoipa kuvabereki kureva kuti havasi kuchengetedza vana vavo zvakanaka panguva ino,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Zvisinei, vanoti pari zvino havasati vave nehuwandu hwevanasikana vachiri kuenda kuchikoro vanonzi vakatizira sezvo umbowo uhu huchiri pakati pekuunganidzwa.

“Ini samambo, ndinoshanda nevatungamiri vezvikoro nemakomiti emaSchool Development Committee (SDC) uye kana paine zvinonetsa vanondizivisa,” vanodaro.

VaGinny Mhariwa (48) vemubhuku raManhanzva kudunhu rimwe chete iri, avo vanotaura vakamirira vabereki, vanoti nyaya dzekutizira kwevanasikana nekutizirwa kwevamwe vakomana vachiri pachikoro iri kuvatemesa misoro sevabereki.

“Ichokwadi, vana vakapera kuenda kuvarume vamwewo vachitizirwa rinova dambudziko ratatarisana naro. Semuenzaniso, pachikoro cheMuchakata-Chitemere Secondary pane vana vane chitsama vanonzi vakatizira. Huwandu hwevana ava hausati hwave kuzivikanwa sezvo vasati vadzoka vose kuchikoro,” vanodaro VaMhariwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinotenda Hurumende yakadzika mutemo wekuti mwanasikana akaita pamuviri anokwanisa zvake kuenderera mberi nechikoro aine pamuviri pake.”

MuZimbabwe mune mutemo unoti kana dai mwana wechikoro akabata pamuviri, haafanirwe kudzingwa pachikoro asi kuti anoenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>