Vane husope neCovid-19

16 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Vane husope neCovid-19

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reAlive Albinism Initiative rinoti kunyuka kweCovid-19 kwakanganisa zvikuru vanhu vane husope sezvo vazhinji vavo vari kusangana nedambudziko rekushaya zvavanoda zvinovakwanira semafuta anotanda zuva (sunscreen lotion) uye vamwe vakarasikirwa nemabasa.

Vachitaura pamusangano weAccess at Zero Cost Conference apo paikurukurwa pamusoro pematambudziko ari kusangana nevakaremara, uyo wakaitwa nguva pfupi yadarika muguta reHarare, Mai Gwen Mushonga vanove director wesangano iri, vanoti vanhu vazhinji vane husope vanorarama upenyu hwekuita mabhindauko emaoko pamwe nekutengesa.

Vanoti kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwaona pachiitwa zvirongwa zvakadai selockdown zvekurwisa kupararira kwedenda iri izvo zviri kuita kuti pave nemitemo inorambidza veruzhinji kufamba-famba asi zvichikanganisa vanhu vanorarama kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyana.

“Kugara nguva refu vanhu vari mudzimba kuri kuona vanhu vane husope vachisangana nematambudziko akawanda nekuti vazhinji vavo vanorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana. Vane husope vakawanda havaende kumabasa, vanoita zvekutengesa mumigwagwa.

“Saka paye patinenge takagara kudzimba, vanenge vasisawane mari sezvo vachiswera vari mudzimba.

“Ganda redu rakasiyana nerevamwe nekuti tine mafuta atinofanirwa kuzora masunscreen lotions ayo anodhura kuatenga. Saka kana munhu asisaendi kubasa anosangana nematambudziko,” vanodaro.

Mai Mushonga vanoti rimwe dambudziko nderekuti vamwe vanhu vane husope ganda ravo hariwirirane nesanitizer iyo inoshandiswa mukushambidza maoko nguva nenguva senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Izvi, vanodaro Mai Mushonga, zvinoita kuti vanhu vane husope vasangane nematambudziko apo vanoda kupinda munzvimbo dzakaita semuzvitoro umo munosungirwa kuti munhu wose azore sanitizer pamisuwo.

“Iyo sanitizer chaiyo kune vamwe vasingapindirane nayo nekuda kweganda ravo. Saka zvinotovatadzisa kupinda muzvitoro apo vanenge vachida kutenga kana kunzvimbo dzekutandarira.

“Asi tinotenda vezvimwe zvitoro vave kuita zvine huchenjeri apo vanoisa mvura inodziya nesipo zvekugezesa pamisiwo pane kushandisa sanitizer kuitira vanhu vakadai zvinoita kuti munhu anokwanisa kugeza maoko ake opinda muchitoro akasununguka,” vanodaro.

Mai Mushonga vanokurudzira veruzhinji, kusanganisira vanhu vane husope nevakaremara, kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Kubaiwa nhomba kwakakosha saka tinokurudzira munhu wose kuti ngaanobaiwa sezvo zvichibatsira mukurwisa denda iri. Kunyangwe iri sarudzo yako munhu kubaiwa, tinokurudzira kuti baiwai kuitira chirwere ichi kana chazokubatai.

“Iye zvino hakuna anoziva kuti denda reCovid-19 richapera rinhi sezvo nguva nenguva pachigara pachingonyuka imwe mhando itsva yehutachiona. Saka nzira chete yakanaka kudzivirira chirwere ichi kubaiwa nhomba,” vanodaro Mai Mushonga.

Share This:

Sponsored Links