Uncategorized

Vane makore 12 vobaiwa nhomba

24 Feb, 2022 - 00:02 0 Views
Vane makore 12 vobaiwa nhomba

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

VANE makore 12 ekuberekwa zvichikwira vave kukwanisa kubaiwa nhomba dzekuvadzivirira kuCovid-19 mushure mekunge sangano rePaediatric Association of Zimbabwe, iro rinove mubatanidzwa wenyanzvi dzinoona nezveutano hwevana, rabvumidza kuti vana vezera iri vabaiwe.

Izvi zvichapa mukana wekuti vana vakawanda vekusekondari pamwe nevekupuraimari vaibawe nhomba.

Hurumende iri kugadzirira zvakare kutanga chirongwa chakakura chekubaya nhomba veruzhinji mwedzi unotevera mwaka wechando usati watanga sezvo kazhinji denda iri richipararirawo zvakanyanya munguva iyi.

Dare reCabinet nemusi weChipiri rakabvumirana kuti vane makore 12 okuberekwa zvichikwira vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere ichi zvichitevera ongororo yakaitwa nePaediatric Association of Zimbabwe.

Nyika dzakawanda dzakatotanga kubaya nhomba vana vane makore 12 okuberekwa zvichienda mberi uye dziri pakati pekuita ongororo yekuona kuti vane makore ari pasi peaya vakwanisa kubaiwawo.

Kusvika pari zvino vanhu vanodarika 4,3 miriyoni muZimbabwe vabaiwa nhomba yekutanga (first dose) apo 3,3 miriyoni vabaiwa zvizere uye vamwe vanodarika 100 000 vabaiwa yechitatu (booster).

Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano weCabinet nemusi weChipiri, gurukota rinoshandira mumahofisi emutungamiriri wenyika vachiona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveHurumende, Cde

Joram Gumbo, avo vaive vakamirira gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Senator Monica Mutsvangwa, vanoti sangano rePaediatric Association of Zimbabwe rakaona zvakakodzera kuti vane makore 12 okuberekwa zvichienda mberi vabaiwe nhomba.

“Ongororo yezvesainzi yakaitwa nePaediatric Association of Zimbabwe inoratidza kuti zvinokodzera kuti chirongwa chekubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 chibatewo vane makore 12 kusvika 15 okuberekwa,” vanodaro Cde Gumbo.

Izvi zvinoreva kuti vana vose vekusekondari vanokwanisa kubaiwa nhomba nevamwe vekupuraimari vari kuita Grade 7.

Vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 muzvikoro vashoma pari zvino uye Hurumende iri kusimbaradza matanho ekuti vakawanda vasatapurirwe denda iri munzvimbo dzavanodzidzira.

Cde Gumbo vanoti svondo rapera, vadzidzi 145 kubva muzvikoro 38 vakabatwa nechirwere ichi pamwe chete nevashandi 11 vemuzvikoro.

“Vose vakabatwa kuti vane denda iri kuburikidza neongororo iri kuitwa nezvikoro uye vari kumbogariswa kwavo voga vachiongororwa nevebazi rezveutano nekurerwa kwevana,” vanodaro.

Zvisinei nebudiriro iripo panyaya yechirongwa chekubaya vanhu nhomba, Cabinet yaratidza kushungurudzika nekuda kwedzimwe nzvimbo idzo dzichiri nevanhu vashoma vari kuenda kunobaiwa.

“Chiri kunyanya kushungurudza kushomeka kwevari kunobaiwa nhomba kuChitungwiza uko kusvika pari zvino kwabaiwa chikamu chinosvika 25.5 percent chevanhu vose variko, Mashonaland East kwabaiwa 31.6 percent kwozoti Mashonaland West kwabaiwa 28.8 percent,” vanodaro Cde Gumbo.

Zimbabwe ine mushonga wenhomba unokwanirana zvichitevera kutenga kwairi kuita pamwe nekupihwa sechipo, kunyanya nenyika yeChina, kuitira kuti wose anoda kubaiwa ange achibaiwa pachena.

Izvi zvinoreva kuti hapana munhu ane makore 12 okuberekwa zvichienda mberi anonzi adzokere asina kubaiwa sezvo mushonga uripo unokwanirana.

Share This:

Sponsored Links