‘Vane pamuviri musadye ivhu’

14 Nov, 2023 - 18:11 0 Views
‘Vane pamuviri musadye ivhu’ Ivhu rinonyanya kudyiwa nemadzimai akazvitakura

Kwayedza

 Muchaneta Chimuka

MADZIMAI akazvitakura ari kukurudzirwa kuti asadye ivhu rinosanganisira remuchenje nekuda kwekuti rimwe racho rine hutachiona izvo zvinozokanganisa utano hwavo nehwemwana.

Kurudziro iyi yakaitwa naProfessor Nicholas Midzi vanova director weNational Institute of Health Research kubazi rezveutano nekurerwa kwevana apo vaitaura kuvatori venhau vachiti kune mamwe madzimai akazvitakura anonyanya kudya ivhu remuchenje apo vanoritora mumapani kana mumasango zvichiita kuti vapedzisire vava kudya hutachiona hunobva muvhu.

“Madzimai akazvitakura anofanira kusiyana nekudya ivhu nekuti vanozvinenekedza kuhutachiona hunobva muivhu. Tinokurudzirawo veruzhinji kuti vageze miriwo nemichero yavo vasati vaidya nekuti inogona kubatana neivhu rine hutachiona vopedzisira vorwara. Pamusoro pezvo, musha mumwe nemumwe ngauve nechimbuzi nekuti dambudziko rekuitira tsvina pese-pese richiri guru.

“Huchapa ihwohwo hwenharaunda hunodzoka hwobata utano hweveruzhinji apo vanobatwa nezvirwere zvemanyoka echolera, typhoid, dystentry nezvimwe,” vanodaro.

Professor Nicholas Midzi

Dambudziko rezvirwere zvisinganyanyi kutariswa (Non-Tropical Diseases) zvakadai sezvemuvhu rinonzi rakakura asi rinoda ongororo yakadzama.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti zvirwere zvemaNTDs zvinowanikwa mumipanda makumi maviri uye zvinotambudza vanhu vanodarika 1 bhiriyoni pasi rose, kunyanya vari munyika dzinotambura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey