Vanhu 3 miriyoni vaibaiwa zvizere

23 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Vanhu 3 miriyoni  vaibaiwa zvizere

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 3 miriyoni kusvika pari zvino vabaiwa majekiseni kana kuti nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvizere apo Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika.

Mashoko anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 3 088 672 vange vabaiwa majekiseni ose ari maviri – rekutanga (1st dose) nerechipiri (2nd dose) apo vamwe 4 078 669 vange vabaiwa ekutanga bedzi.

Vanhu vanomwe vakafa neCovid-19 musi iwoyu.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 199 404 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa kubvira patakanga chirwere ichi munyika muno munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 147 669 vakatopona asi vamwe 4 828 vakafa.

Nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 18 vakafa neCovid-19 hunova huwandu hwakanyanya kukwira kana zvichienzaniswa nenguva yadarika.

Vanhu vakawanda vakange vapedzisira kufa nedenda iri vaive 14 avo vakashaya nemusi weChitatu svondo rapera.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Vice President Constantino Chiwenga, vari kukurudzira vose vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuti vabaiwe.

Vachitaura svondo rino kuvarimi nevamwe vatsigiri vechikamu chezvekurima pachirongwa cheFederation of Young Farmers Club Zimbabwe, VP Chiwenga vanokurudzira veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni aya senzira yekuzvidzivirira kubva kudenda ranetsa pasi rose iri.

“Ibasa redu rekuona kuti zvatinoita zvinochengetedza utano hwedu. Nzira yakanyanya kunaka pakuzvichengetedza kubaiwa nhomba.

“Tinawo mushonga wenhomba unokwanirana. Tinoda kuti munhu wose wemuZimbabwe akakodzera kubaiwa abaiwe,” vanodaro VP Chiwenga.

Vanoti vanhu vari kubaiwa nhomba vanobvira pamakore 16 okuberekwa zvichikwira uye munguva pfupi inotevera panenge pave kubaiwa vane makore 14.

VP Chiwenga vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose akatarwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) uye nebazi rezveutano nekurerwa kwevana ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Pose paunonzwa kuti une zviratidzo zvakarerekera kuCovid-19, enda unovhenekwa. Tinoda kuti mumwe nemumwe wenyu ave neKirisimasi uye neGoredzva rakanaka, saka ndinokukurudzirai kuti mutevedzere mitemo yakaziviswa naHis Excellency President Mnangagwa nguva pfupi yadarika. Tichange tichiona kuti matanho akatarwa atevedzwa nemazvo,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoti vanamazvikokota vezveutano nevamwe vesainzi vachiri kuita ongororo yemhando yehutachiona hutsva hweOmicron variant.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>