Vanhu 5 vakafa neCovid pazuva

27 Oct, 2020 - 15:10 0 Views
Vanhu 5 vakafa  neCovid pazuva

Kwayedza

 Tandayi Motsi

VANHU vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe nemusi weMuvhuro bedzi izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevafa nedenda iri kubvira parakatanga muno muna Kurume wegore rino hukwire kusvika pa242.

Kusvika nemusi uyu, nyika ino yange yave nevanhu 8 303 vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 7 797 vakatopona.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti vanhu vashanu vakafa mukati memaawa 24 nemusi weMuvhuro.

“Vanhu 27 vakawanikwa vaine Covid-19 uye vashanu vakafa mukati memaawa 24,” rinodaro bazi iri.

Pavanhu vashanu vakafa ava, vatatu ndevekuBulawayo, mumwe wekuManicaland newekuMasvingo.

Mamiriro ezvinhu aya asiyana nenguva yadarika apo kwaigona kupera svondo rose pasina munhu afa nechirwere ichi.

Bazi iri rinoti nemusi weMuvhuro uyu, hakuna murwere weCovid-19 akapora kubva kuchirwere ichi.

Magwaro ebazi iri epasvondo anoratidza kuti varwere vari kupona kuCovid-19 munyika yose chikamu chavo chiri pa94 percent apo vemuHarare vari 40 percent.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vari kuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekuvhenekwa vanove 3 318.

Pavarwere vemuHarare ava, 3 143 vakatopona asi vamwe 121 vakafa.

Bulawayo ndiyo iri pechipiri nevarwere 1 628 apo 1 450 vavo vakatopona asi 52 ndokufa.

Matabeleland North ndiro dunhu rine vanhu vashoma vabatwa neCovid-19 munyika vanove 144 uye 139 vakapona asi vaviri ndokufa.

Nyika dzakavakidzana neZimbabwe dzinosanganisira Mozambique, South Africa neBotswana dziri kuona zvakare kuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), riri kugara richikurudzirwa veruzhinji kuti vasavarairwe asi kuti varambe vachitevedza matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Matanho aya anosanganisira kupfeka masiki kana munhu achienda kunzvimbo dzinosangana veruzhinji, kusaita chitsokotsoko uye kusafamba zvisina tsarukano.

WHO inoti Covid-19 iri kunyuka kechipiri uye zvine simba kune dzimwe nyika, zvikuru dziri kudunhu reEurope neNorth America nekudaro zvakakosha kuti nyika dzose dzitore matanho ekumisa kupararira kwedenda iri.

Share This:

Sponsored Links