Uncategorized

Vanhu baiwai: Muporofita

27 Dec, 2021 - 09:12 0 Views
Vanhu baiwai:  Muporofita Muporofita Jonah

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUKURU wechechi yeJohane Masowe kunzvimbo yeCentenary anokurudzira vemachechi kuti varambe vachitevedzera matanho ose akananga kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye kuti vabaiwe nhomba.

“Muporofita Jonah”, VaBiggie Makanjera Musanzika, vanoti vemachechi vanofanira kutambira mararamiro matsva akaunzwa nechirwere cheCovid-19 uye votevedzera matanho ose aripo ekurwisa kupararira kwedenda iri.

“Chinamato hachina kuipa, chinosunungura vazhinji kubva kumatambudziko akasiyana. Asi, nenyaya yedenda ririko iri, tiri kukurudzira vanhu kuti vaungane vari vashoma uye kwenguva diki.

“Vanhu vakaita nguva refu vakaungana uye vakawanda zvinokonzera kutapurirana kwedenda reCovid-19 apo nyika iri mubishi kuderedza huwandu hwevanhu vanobatwa pamwe nekufa nechirwere ichi,” vanodaro.

Mudungwe wevanamati veJohane Masowe vakamirira kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuMuzarabani nguva pfupi yadarika.

Muporofita Jonah vanoti pari zvino sangano ravo nevemamwe machechi vari mubishi kukurudzira vechidiki kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19.

Zvisinei, vanoti dzimwe nzvimbo dzekubairwa nhomba dzakatarwa neHurumende dziri kure nevanhu, kunyanya kumatunhu izvo zviri kuita kuti vamwe vasawane mukana wekubaiwa majekiseni aya.

“Vamwe vari kufamba nzendo refu kuti vawane rubatsiro rwekubaiwa. Izvi zviri kuita kuti vamwe vazoita nungo dzekuenda kundobaiwa. Dai zvaibvira Hurumende yaitibatsirawo kuti papurazi rega-rega poita vanofamba vachibaya vanhu kwemazuva maviri kana matatu uye kana kubatanidza mamwe ari pedyo nepedyo.

“Izvi zvinobatsira kuti kune vaya vanoenda kumabasa kana vakomana vemombe vakwanise kubaiwa nhomba,” vanodaro.

Muporofita Jonah vanotenda Hurumende nebasa guru rairi kuita mukufambisa chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba.

Vanoti zvakakosha kuti vemachechi vatevedzere mitemo yakatarwa neHurumende uye nesangano reWorld Health Organisation (WHO) yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Pasi rose, Covid-19 haisati yawanirwa mushonga unoirapa asi kune majekiseni anobatsira kuti kana murwere akabatwa nechirwere ichi, hurwere hahuzorema zvekusvika pakuendeswa muchipatara..

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>