Uncategorized

Vanhu tevedzai mutemo – ZRP

07 Jul, 2021 - 08:07 0 Views
Vanhu tevedzai  mutemo – ZRP Insp Mwanza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuyambira veruzhinji kuti vatevedze mitemo yose yakadzikwa neHurumende mukuedza kumisa kupararira kweCovid-19 vachiti vari kushushikana zvikuru nevanhu vari kuramba vachityora mitemo iyi nekushaya hanya izvo zvinoisa upenyu hwevanhu panyatwa yechirwere ichi.

Mutauririri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanoyambira veruzhinji kuti vachengetedze upenyu nekutevedza mitemo iyi.

“Mitemo yakadzikwa neHurumende pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) iripo kuchengetedza utano neupenyu saka ngatiitevedzerei. Isu semapurisa, tiri kushushikana nenyaya zhinji dzatiri kutambira apo vanhu vari kutyora maCovid-19 Regulations zuva nezuva.

“Veruzhinji havasi kupfeka mamasiki avo nemazvo, vari kuungana muzvitoro nekumabhazi, vamwe vachitoenda kumisangano yemachechi zvinova zviri kurambidzwa nemutemo,” vanodaro.

Vanoramba vachiyambira vemabhizimusi kuti vanofanira kunge vavhara mabasa avo nenguva dza15:30hrs apo nguva isingatenderwe vanhu kufamba ichitanga na18:30hrs.

“Kana mabhizimusi avhara na15:30hrs, vanhu vanofanirwa kutotanga kubuda mudhorobha kwete kumira-mira vachiita zvimwe nekuti tiri kusangana nedambudziko revanhu vari kubatwa nenguva dzecurfew vachiri muguta zvisinei nekuti mabhizimusi anenge avharwa kare.

“Izvi zvinokonzera kuzoungana kwevanhu mumigwagwa apo vanoita chipatapata kutsvaga motokari dzekuenda kudzibmba zvichiita kuti chirwere cheCovid-19 chichipararira,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti munhu wose achawanikwa achifamba-famba panguva dzecurfew dzinotanga na18:30hrs achasungwa.

“Panongochaya nguva dzecurfew munhu wose anofanira kunge ava kumba uye vanoramba vachifambisa mabhizimusi avo munguva idzi vacharangwa nemutemo. Vose vachawanikwa vachinwa doro munzvimbo dzekutandarira nemumabhawa vachasungwa nokuti mabhizimusi ose anotengesa doro haana kupihwa mvumo yekuvhura.

“Chirwere cheCovid-19 chiriko uye chiri kuuraya, saka wose anotyora mutemo uri maringe nekuchengetedzwa kweupenyu achasungwa.”

Vanoti mapurisa acharamba achimema nzvimbo dzinoitirwa mabhizimusi pamwe nekunogara vanhu kuti vaone kuti mitemo iyi iri kutevedzwa.

Zvichakadaro, nhengo dzedare reParamende dzakatotanga kuitawo zvirongwa zvekurwisa chirwere cheCovid-19 munzvimbo dzavo apo vari kufamba vachiparidza mashoko ari pamusoro pechirwere ichi pamwe nekukurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa nhomba kana kuti majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Zvirongwa izvi zvinofambirana nechikamu cheLevel 4 Covid-19 Guidelines icho vakatumwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa kuti vadzidzise vanhu nezvekukosha kwekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Vanhu vari kufa nekuda kwechirwere cheCovid-19 vari kuramba vachiwanda munyika apo nemusi weMuvhuro uno nyika yakarasikirwa nevanhu 33 zvichibva zvaita kuti vanhu vafa nechirwere ichi kubva pachatanga kuonekwa muno gore rapera vasvika 1 911.

Nzvimbo dziri kunyanya kuwanikwa vanhu vaine chirwere ichi dzinosanganisira Kariba, Chinhoyi, Guruve, Mashonaland Central, Marondera, Goromonzi, Chiredzi, Bulawayo, Harare neKwekwe.

Vanhu vakabaiwa nhomba dzeCovid-19  dzekutanga pari zvino vava 797 715 uye vakabaiwa dzechipiri vasvika 571 721.

Share This:

Sponsored Links