‘Vanhukadzi ngatibatanei’

09 Mar, 2022 - 22:03 0 Views
‘Vanhukadzi ngatibatanei’ Martha Shonhiwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo wechitendero, Martha Shonhiwa, anoti vanhukadzi vari mune zvemimhanzi vanofanirwa kubatana uye voshanda pamwe chete kuti vakure muindasitiri iyi zvichitevera kudzoserwa kumashure zvakanyanya kwavakaitwa nechirwere cheCovid-19.

Martha, sekuzivikanwa kwaanoita munyaya dzemhanzi, akaita mukurumbira nekambo kanonzi ‘Africa’ ako akaimbira dunhu reAfrica achitaura nezvematambudziko ari kusanganikwa nawo.

Anoti vanhukadzi vari muindasitiri yezvemimhanzi vadzoserwa kumashure zvikuru nekuda kwedenda reCovid-19, kunyanya avo vachiri kusimukira.

Kurudziro iyi iri kuuya panguva iyo Zimbabwe ichangobva kubatana nedzimwe nyika dzepasi rose kucherechedza zuva revanhukadzi reInternational Women’s Day. Zuva iri rinocherechedzwa nemusi wa8 Kurume gore negore.

“Madzimai tiri mumhanzi tange tasirira kumashure nekuda kwekuuya kwakaita Covid-19. Asi kubva denda iri zvaratidzikire zvinhu zvave kutaridza kufamba zvakanaka uye mikana yakasiyana-siyana yave kuita ichiuya kwatiri.

“Saka ngatichibatanei tishande pamwe chete mukutsikisa mhanzi zvigotisimudzira tose. Kushanda pamwe chete kunobatsira nekuti kunotisimudzira tichivaka mazita edu,” anodaro.

Kubvira kuvamba kwegore rino, Martha atanga zvine mutsindo izvo zvamuona achiparura kambo kake kekutanga ka2022 kanonzi ‘Thank You’ ako katove nevhidhiyo iro riri kunetsa zvikuru paYouTube.

Achitaura nezvekambo aka, Martha anoti zvakakosha kuti vanhu vatende Mwari nguva dzose nekuti ndiye mununuri wemumatambudziko akasiyana-siyana uye anoziva kuti remangwana rakamira sei.

“Zvakakosha kuti tigare tichitenda Mwari tichivapa mbiri yavo nekuti vanotigonera nguva dzose.

“Ini kugona kwavo Mwari ndakakuona saka ndichigara ndichingovatenda nguva dzose,” anodaro.

Martha, uyo anogara kunyika yeSouth Africa uko anoshanda achitsikisa mhanzi yake, kusvika pari zvino akwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti Ndauya Kuzomutenda (2011) naGrace muna2018.

Anoti gore rino, achatsikisa dambarefu rake rechitatu iro anovimba kuti achashanda nevaimbi vakasiyana.

Share This:

Sponsored Links