Vanhukadzi vobatsirwa

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
HURUMENDE yakabatana nesangano reUNFPA nereUnited Nations Central Emergency Response Fund (CERF) mukubatsira vanhukadzi vari munzvimbo dzakasangana nemafashamu emvura nezvekushandisa zvinokosha US$198 000 muutano hwavo, zvikuru panguva yekusununguka.

Zvekushandisa izvi — izvo zvinosanganisira mazambiya, zvipfeko zvemukati, sipo nemishonga inoshandiswa pakusunungutsa — zvakapihwa kumuzinda mukuru unochengeterwa mishonga muno, weNatPharm.

Vachitenda rubatsiro urwu, Dr George Washaya, avo vanove sachigaro weNatPharm, vanoti rubatsiro urwu rwuchayamura mukuderedza ndufu dzevana nemadzimai panguva yekusununguka pamwe nekudzoreredza chiremerera mavari.

“Ndinofara kuti mazambiya aya akatakura dzidziso yakanyorwa paari mukurwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi. Anony’omba nyaya dzekupinda muwanano nepwere, anokurudzira dzidzo uye kuumba ruremekedzo kumadzimai.

“Pamishonga, tinotenda nekuti zvinhu zvinorwadza kuti munhu anoenda kuchipatara kunorapwa, osvikonyorerwa mishonga nemachiremba asi achizoishaya mumafamasi kana muzvipatara,” vanodaro.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director, Epidemiology and Disease Control) Dr Portia Manangazira vanoti madzimai anofanira kusimudzirwa kuti vazive zvakavanakira maringe neutano hwavo.

“Kuti tive nebudiriro inoendeka, madzimai anofanira kusimudzirwa muutano hwavo. Madzimai mazhinji, zvikuru vekumaruwa, vanokundikana kuwana zvekushandisa panguva yekutevera vachigumisira vashandisa machira zvinova zvisina utsanana,” vanodaro.

Vanoti zvichitevera kunaya kwakaita mvura yakawanda mwaka uno, kuchine dzimwe nzvimbo dzisina migwagwa kana mazambuko, izvo zvinoita kuti vakundikane kuwana rubatsiro mune zveutano nenguva.

Mai Abigail Msemburi, avo anova Assistant Representative kusangano reUNFPA vanoti kana kukaita mafashanu, madzimai anotambudzwa pane zveutano kudarika varume.

Mai Anne Musiwa, avo vanove National Child Rights Coordinator-National Programme Action for Children kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanotiwo utano hwemadzimai nevana hunofanira kukosheswa.

“Kune vamwe vanasikana vanokundikana kuenda kuchikoro nepamusaka pekuti vanenge vasina zvekushandisa panguva yekutevera.

“Mafashamu anoita kuti zvikoro zviparadzwe, vana vagumisira vodzidzira pachena zvichizokanganisa utano hwavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>