Vanhukadzi voita zvinorova mumitambo

21 Mar, 2024 - 20:03 0 Views
Vanhukadzi voita  zvinorova mumitambo Cricket Golden Girls

Kwayedza

Abel Ndooka

MWEDZI waKurume wakakosha zvikuru pasi rese sezvo uchicherechedzwa vanhukadzi nekudaro svondo rino Kwayedza inotora mukana uyu kupemberera vamwe vavo vari kuita zvinorova mune zvemitambo yakasiyana.

Zimbabwe Senior National Cricket Team:

Chikwata chenyika checricket chemaLady Chevrons svondo radarika chakadadisa zvikuru zvichitevera kuhwina kwachakaita menduru yegoridhe kumutambo we13th African Games uyo uri kutambirwa kuGhana.

Zvichitevera kuhwina kwachakaita menduru yegoridhe kumutambo uyu, chikwata ichi chakabva chatumidzwa zita remadunhurirwa rekuti ‘Golden Girls’ uye sangano reZimbabwe Cricket ndokubva radira mari inosvika US$80 000 iyo yavakanzi vagogovana.

MaGolden Girls achagara ari munhoroondo yekuti ndiwo chikwata chekutanga kuhwina menduru yegoridhe kumutambo uyu sezvo wakatanga kutambwa gore rino kumaAll African Games.

Stellah Jongwe:

Kana pari panyaya yekuhwina menduru dzemijaho yakasiyana, hakuna mumwe mudzimai anokwanisa kukwikwidza kusvika pana Stella Jongwe.

Stellah Jongwe

Shasha yemujaho wewiricheya iyi gore radarika akahwina menduru dzinodarika 13 mumijaho yakasiyana iyo yaakakwikwidza munyika.

Mimwe — yaakahwina inosanganisira Tanganda Half Marathon, Econet Victoria Falls Marathon, Moonlight neMusabvunda.

Chinhu chinodakadza pana Jongwe hakusi kungohwina menduru mumujaho wekumhanya wewiricheya chete, asi kukunda kune mimwe mitambo inosanganisira tenesi yewiricheya, basketball yewiricheya nebadminton.

Yvone Mapika Manwa:

Chiremerera chikuru munhu akaonekwa achigadzwa pachigaro chekutungamira sangano renhabvu munyika reZimbabwe Football Association.

Yvonne Mapika Manwa

Mapika-Manwa akaita mudzimai wechipiri kugadzwa kuve chamangwiza weZIFA gore radarika.
Ainge amboshanda basa rimwechete kuNgezi Platinum uye ZIFA inogona kunge yakaona basa rakanakisa raaibata kuchikwata ichi izvo zvakazovatuma kumugadza pachigaro ichi.

Mudzimai uyu ane basa guru raakatarisana naro rekuona kuti ashandura nhabvu yeZimbabwe.

Kugadzwa kwaakaita pachigaro ichi, kunopembererwa zvakanyanya nekuti ibasa guru chaizvo kuve chamangwiza weZIFA.

Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire:

Shasha yetsiva iyo ine bhande reWorld Boxing Council Super-bantamweight – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – akanyora zita rake munhoroondo yetsiva zvichitevera kuhwina kwaakaita bhande iri mugore ra2022 apo akakunda Cathrine Phiri wekuZambia.

Kudakwashe Chiwandire

Kubva ipapo, Take Money akakwanisa kuchengetedza bhande rake izvo zvakamuona achikunda Zulina Munoz wekuMexico uye ndokuwaniswa mikana yekurwira mamwe mabhande makuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>