Vanhurume farirai kubaiwa – Padare

29 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
Vanhurume farirai kubaiwa – Padare

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rePadare/Enkudleni Men’s Forum on Gender rakavamba chirongwa chekukurudzira vanhurume kuti vaite chikamu chikuru pazvirongwa zvine chekuita neutano, kusanganisira kuenda kunoongororwa Covid-19 nekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

VaPaul Vingi, avo vanova programmes officer wesangano iri, vanoti ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti vanhurume ndivo vakawanda vari kufa neCovid-19.

Vanoti vanhurume vakawanda vagara havana hanya nekuenda kunovhenekwa zvirwere.

VaVingi vanoti mutsvakurudzo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano, zvakaonekwa kuti vanhurume ndivo vakawanda vari kufa neCovid-19 uye vazhinji vacho vanenge vasingazive sezvo vasingaende kunovhenekwa.

Vanoti sangano ravo riri kufamba richiita zvirongwa zvekukurudzira vanhurume kuti vavhenekwe chirwere cheCovid-19 pamwe chete nekubaiwa nhomba dzekuchidzivirira.

Vanotizve vari kupawo chenjedzo yekukosha kwekuvhenekwa zvimwe zvirwere zvinosanganisira HIV neAIDS.

“Vanhurume panyaya dzine chekuita neutano vazhinji havadzikoshese izvo zvinove zvisirizvo. Asi tinotarisira kuti vatore chikamu chikuru pakusimudzira nyaya idzi nekuti ndivo vanofanirwa kuratidza gwara rakanaka.

“Muongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano, zvakaonekwa kuti vanhurume ndivo vari kunyanya kufa neCovid-19 uye nekubatwa nechirwere ichi. Saka ngavatore chikamu chakakura chekurwisa denda iri kuburikidza nekubaiwa majekiseni ekudzivirira uye kugara vachinovhenekwa matenda,” vanodaro VaVingi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kutaura kuno, kubva chirwere ichi chauya munyika muno, kune vamwe vanhurume vasati vatombonovhenekwa Covid-19. Asi kurudziro inogara ichingopihwa kuti garai muchivhenekwa denda iri nguva nenguva kuitira kuti chisatapuriranwe.”

Vanoti zvakare kuuya kweCovid-19 kwakakanganisa zvikuru mararamiro emhuri zhinji uye ndokukonzera kuwanda kwenyaya dzemhirizhonga dzemudzimba.

“Munguva yeCovid-19, nhau dzemhirizhonga dzakawandisa zvikuru. Asi isu tinoti mhirizhonga haibatsire, hapana zvainogadzirisa. Kana pane zvinenge zvanetsa tauriranai zvakanaka motsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko rinenge riripo,” vanodaro.

Padare yakabatana nevaimbi mukutsikisa nziyo dzinokurudzira runyararo mudzimba, munharaunda uye nekumabasa.

“Tiri kushanda nevaimbi mukutsikisa nziyo dzinoshora mhirizhonga – kungave kudzimba, munharaunda kana kumabasa chaiko. Vanhu vanofanirwa kugara murugare vachifara nguva dzose uye kana vasangana nemhirizhonga ngavataure kwete kuzvidyira mukati.

“Titori nevanhurume vanotouya vachitaura kuti vari kurohwa nemadzimai kudzimba, koitawo madzimai vanoti vari kurohwa nevarume saka tinogara navo pasi tovayananisa,” vanodaro VaVingi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>