Vanodarika 100 000 vabaiwa ‘booster’

22 Feb, 2022 - 18:02 0 Views
Vanodarika 100 000  vabaiwa ‘booster’ Dr Chimedza

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vabaiwa nhomba yechitatu (booster) yekudzivirira Covid-19 kusvika pari zvino vadarika 100 000 panguva iyo Zimbabwe iri mushishi yekurwisa kupararira kwedenda iri.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoraridza kuti kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu 103 483 vange vabaiwa nhomba yechitatu iyi.

Vanhu 4,3 miriyoni vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) apo vamwe 3,3 miriyoni vange vabaiwa dzose, yekutanga neyechipiri.

“Vanhu 1 755 vabaiwa nhomba yekutanga nhasi (Muvhuro) izvo zvaita kuti huwandu uhu huende pa3 370 827 apo 1 755 vabaiwa yechipiri zvabva zvaita kuti huwandu hwacho husvike pa3 370 827 uye 1 738 vabaiwa yechitatu zvikaita kuti huwandu uhu huve 103 483,” rinodaro bazi iri.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 233 571 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 225 039 vakatopona asi vamwe 5 386 vakafa.

Sangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) rakabvumidza kushandiswa kwemushonga wenhomba weSinopharm neSinovac kubva kunyika yeChina, Covaxin kubva kuIndia uye neSputnik V yekuRussia.

Munyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza vanoti vanhu vanokwanisa kubaiwa nhomba yechitatu mushure memwedzi mitanhatu vabaiwa yechipiri.

Vanoti panhomba yechitatu, vanhu vanobaiwa mhando imwe chete yemushonga wavanenge vakabaiwa pekutanga nepechipiri.

“Hapazi kuzove nekusanganiswa kwemishonga yenhomba uye panofanirwa kuti pave nemwedzi inosvika mitanhatu pakati pekubaiwa nhomba yechipiri neyechitatu.

“Nhomba yechitatu ichanyorwa pakadhi rimwe chete rakanyorwa yekutanga neyechipiri,” vanodaro Dr Chimedza.

Izvi zvinoreva kuti vakabaiwa mhando yeSinovac vaccine pakutanga nepechipiri, vachabaiwa mushonga uyu zvakare pechitatu uye ndizvo zvimwe chete neSinopharm.

Share This:

Sponsored Links