Vanodarika miriyoni vabaiwa majakiseni

19 Jul, 2021 - 09:07 0 Views
Vanodarika miriyoni vabaiwa majakiseni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vabaiwa nhomba kana kuti majekiseni ekuvadzivirira kuchirwere cheCovid-19 muZimbabwe vakadarika miriyoni imwe chete svondo rapera apo Hurumende iri kusimbaradza chirongwa ichi nyika yose.

Nemusi weChina svondo rapera, bazi rezveutano nekurerwa kwevana – mumagwaro arinoburitsa pazuva – rakazivisa kuti vanhu vabhaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 muZimbabwe vadarika miriyoni.

“Nyika yeZimbabwe yasvitsa vanhu miriyoni imwe chete avo vabaiwa jekiseni rekutanga reCovid-19,” rinodaro bazi iri ndokuzivisa kuti matunhu anosanganisira Kariba, Chegutu, Hurungwe neSanyati kuMashonaland West dzimwe dzenzvimbo dziri kunyanya kunetsa chirwere ichi (hotspots).

Mazowe neCentenary kuMashonaland Central dzinonzi dzimwewo dzanetsa kuchiti Marondera nekwaSeke, kuMashonaland East neMwenezi neChiredzi dziri kuMasvingo dzanetsawo.

Dunhu reHarare riri kuramba richinetsa nekubatwa vanhu vane Covid-19 sezvo nemusi weChina svondo rapera bedzi, 457 vakawanikwa vaine denda rinokonzerwa nehutachiona hwecoronavirus iri.

Bazi rezveutano rinoti kuBulawayo kune nzvimbo dzakaita seNkulumane neEmakhandeni uko kwanetsa zvakanyanya kuchiti Kwekwe ndiyo iri pamberi panyaya dzedenda iri kuMidlands.

Richipa mamiriro echirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19, bazi iri rinoti, “Nhasi bedzi (neChina) vanhu 47 506 vabaiwa jekiseni rekutanga zvikabva zvakwidza huwandu hwevabaiwa nhomba iyi kuenda pa1 036 252 kuchiti 5 716 vabaiwa rechipiri zvikasvitsa vanhu vabaiwa nhomba iyi pa630 610.”

Rinoti kusvika musi uyu, varwere veCovid-19 vanokwana 705 vaiva muzvipatara apo 52 vavo vainge vachidzimbikana zvakanyanya.

Musi iwoyu, vanhu 2 491 vakavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 apo vamwe 86 vakashaya.

Hurumende iri kuramba ichisimbaradza zvirongwa zvekuona kuti veruzhinji vachengetedzwa kubva kuchirwere ichi kuburikidza nezvirongwa zvakawanda zvinosanganisira kubaiwa kwemajekiseni ayo ari kutengwa kunze kwenyika uye achibaiwa pachena kune vanozvipira, kukurudzira vanhu kupfekwa kwemamasiki nekusaungana, kusanganisira parufu.

Kusvika svondo rapera, majekiseni emhando iyi auya muZimbabwe ava kudarika 4 miriyoni apo kune dzimwe nyika vanhu vari kuashaya.

Zvichakadai, vanhu vemuno vari kuita chipatapata kunobaiwa majekiseni aya uye ongororo yeKwayedza muzvipatara nemakiriniki inoratidza kuti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka.

Nemusi weChina iwoyo, Hurumende – kuburikidza nebazi rezveutano – yakazivisa nezvematanho atorwa kuitira kunyevenutsira veruzhinji vanoda kubaiwa ichiti kunze kwekuva nechitupa kana pasipoti, munhu anokwanisa kunyorerwa tsamba nasadunhu, kanzura kana mumiririri wenzvimbo yake mudare reNational Assembly kana achida kubaiwa nhomba.

Panguva imwe cheteyo, chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals chakazivisawo nezvematanho achiri kutora nechinangwa chekuti veruzhinji vakwanise kubaiwa.

Mugwaro ravakatumira kune veruzhinji – chipatara cheParairenyatwa chinozivisa kuti hachichaita zviya zvekuti munhu anotanga anyoresa kana achida kubaiwa.

“Chipatara cheParirenyatwa ndicho chimwe chezvipatara zvanga zvichibata majekiseni eCovid-19, izvo zvanga zvopa dambudziko rekuwanda kwevanhu. Zvichitevera kuvandudzwa kwakaitwa zvirongwa, majekiseni aya achabaiwa kune anenge atangawo kusvika pachipatara.

“Tinoshora zvekare nyaya dzehuwori idzo dzanga dzobuda mumapepanhau, zvisinei kuti tanga tisati tawana umbowo. Vanhu ngavamhan’are nyaya dzehuwori idzi pose padzinoitika,” rinodaro gwaro iri.

Majekiseni ekudzivirira Covid-19 ari kubaiwa muzvipatara, mumakiriniki nedzimwe nzvimbo dzakasarudzwa kumatunhu ose eZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>