Uncategorized

Vanodyiswa nyama mbishi

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Vanodyiswa nyama mbishi Mai Annah Jima vaine vanakomana vavo vaviri, Ngonidzashe (kuruboshwe) naLloyd Musara.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARUME vechidiki vanova mukoma nemunin’ina vekwaMangwende, kwaMurehwa, vanoti vatambura nekudyiswa nyama mbishi nevanhu vavasingazive, mumwe wacho anoita kunge kadhara kapfupi, kane ndebvu refu dzakachena. Mashiripiti aya anonzi anoitika kuhope varere kana kuti masikati vakatosvinura.Kunze kwenyama, vaviri ava vanoti vanodyiswa zvimwe zvinhu zvavasingazive. Vatevedzani pakuzvarwa Lloyd Musara

Ngonidzashe Musara

Ngonidzashe Musara

(24) naNgonidzashe Musara (21) vemubhuku raNemukuyu ndivo vakatarisana nemiyedzo yekudyiswa zvinhu zvisinganzwisisike izvi.

Sezvinonzi zvekudyiswa zvitete, vaviri ava vanoti vanorota vachiitwa varume nevakadzi vavasingazive uyewo sikarudzi dzavo dzichidhonzwa kana kuyamwiwa.

“Seni, ndinotoona munhurume anenge ari mutema kana kuti mukaradhi chichiuya ndakatosvinura. Dzimwe nguva ndinorota, ndobva ndaita zvekubatwa muromo ndodyiswa nyama mbishi kana zvimwe zvinhu zvitema zvandinonzwa kudzika mudumbu sezvinoita mvura inotonhora. Ipapo ndinobva ndatotanga kurwara,” anodaro Lloyd. “Pamwe kana

Lloyd Musara

Lloyd Musara

ndakagara, kunyangwe mukicheni ndakasvinura, ndinonzwa madzikirira maziso angu achiramba kuvhurika. Ipapo ndinobva ndaziva kuti vanhu vaye vauya, ndovaona mumaziso angu asi handivazive. Pamwe vanouya vari vatatu kana vaviri, vondibatirana muromo vachindidyisa nyama, imwe yacho inovava kana kutapira zvikuru asi handizive kuti ndeyei.”

Anoti vanhu ava vanooneka zviso kana kuti misoro yavo bedzi asi vasina mitumbi uye dzimwe nguva anoona vaine maziwoko mahombe zvikuru.

Lloyd, uyo paaiita hurukuro ino airatidza kuvhiringika, anoti mukati mezviso zvaanoona, pane kamudhara kakura zvikuru kanenge kaine ndebvu chena refu nechiso chinotyisa chine maziziso makuru akatsvuka seropa.

“Nhengo dzangu dzesikarudzi dzinorwadza zvikuru dzichipisa semoto uyewo ndinobaiwa muviri wose nedzinenge tsono asi ndisingaone. Handigone kudya zvakanyanya nekuda kwedambudziko iri,” anodaro Lloyd.

Dambudziko raLloyd rinonzi rakatanga mugore ra2004 uyuwo munin’ina wake zvikazotanga pava pashure.

Ngonidzashe ane dambudziko rimwe chete sere mukoma wake LIoyd.

“Ndinogona kutoti ndiri panze ndichifamba masikati, ndotanga kuona zviso zvevanhu vanondibata muromo vachindidyisa nyama zvenharo. Ipapo mudumbu mangu munobva matanga kurwadza zvikuru.

“Kadhara kane ndebvu ndinokaona nemukaradhi wechirume anouya zvakare. Vanhu ava vanombouya voga kana kuuya vakawanda,” anodaro Ngonidzashe. Vaviri ava vakasvika gwaro reO-Level uye vanoti vakapasa muzvidzidzo zvavo zvisinei kuti Ngonidzashe ari kushaya mari yekunopedzisa kubhadhara kuchikoro kuti atore magwaro ake. Mwanakomana mukuru mumhuri iyi, mushakabvu Joseph Musara, anonzi akafa muna2014 angorwara kwemazuva matatu uye aivawo nedambudziko rekudyiswa nyama nekudhonzwa sikarudzi. Baba vemhuri iyi, VaJoseph Musara (Snr), vakashaika mugore ra1995 vachinzi vakangoona zvinhu zvisinganzwisisike ndiye “sarai”.

Amai vevakomana vaviri ava, Mai Annah Jima (53), vanoti dambudziko iri rakavabvira kure kuburikidza nemafiro akaita murume wavo nemwanakomana mukuru.

“Ndine dambudziko guru pano, vanhu vanofa kunge vapfurwa nepfuti. Baba ndivo vakatanga kufa varohwa nezvivanda izvo vakasangana nazvo panze husiku. Mwana mukomana mukuru akazofawo nenyaya yekudyiswa nyama iyi, zvino vaviri ava vari kurwara. Musikana chete anogara kuHarare ndiye asingasangane nedambudziko iri,” vanodaro Mai Jima.

Mai Annah Jima vaine vanakomana vavo vaviri, Ngonidzashe (kuruboshwe) naLloyd Musara.

Mai Annah Jima vaine vanakomana vavo vaviri, Ngonidzashe (kuruboshwe) naLloyd Musara.

Vanoti hama dzemurume wavo hadzisi kuvabatsira padambudziko iri.

“Ndatambudzika zvikuru uye ndinotsvaga rubatsiro, dzingava n’anga, vanamati kana ani zvake. Ndapedza nyika nekufamba ndichitsvaga rubatsiro. “Ndinopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu asi hapana chiri kubatsira. Kune vanoda kundibatsirta vanoridza nhare panhamba dzinoti 0783 387 485,” vanodaro.

VaJonathan Shonhiwa kana kuti sekuru Mupamombe vekuChiredzi vanoti dambudziko rakatarisana nemhuri iyi rinogona kunge richikonzerwa nezvikwambo, nekudaro vanofanira kutsvaga rubatsiro kubva kune magodobori anozvikwanisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>